Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Munamato wokuvimba naMwari Ndinzwireiwo tsitsi, Mwari nokuti vanhu vanonditsika-tsika nokuti vavengi vangu vanondionesa nhamo zuva rose. |
| 2 |
| Mhandu dzangu dzinonditsika-tsika zuva rose nokuti vanondirwisa vakawanda Wokumusorosoro wee! |
| 3 |
| Wokumusorosoro pandinenge ndavakutya ndinovimba nemi. |
| 4 |
| Ndinovimba naMwari ana mashoko andinorumbidza. Ndinovimba naMwari ndisingatyi. Vanhu vangandiiteiko? |
| 5 |
| Zuva rose vanoisa napasipo zvandinotaura, zvavanofunga ndezvokundikuvadza chete. |
| 6 |
| Vanoungana pamwechete kundivandira vachitarisa mafambiro angu vachigaririra kuti vandiuraye. |
| 7 |
| Naizvozvo varangirei mhosva yavo, Mwari putsirai marudzi pasi. |
| 8 |
| Munoziva kuyaura kwangu. Chingidzirai misodzi yangu muguchu renyu redehwe. Handiti zvakanyorwa mubhuku renyu here? |
| 9 |
| Ipapo vavengi vangu vachadzoserwa shure pazuva randinodanidzira. Izvi ndinozviziva kuti Mwari ari kudivi kwangu. |
| 10 |
| Ndinovimba naMwari ana mashoko andinorumbidza, naTENZI ana mashoko andinorumbidza. |
| 11 |
| Ndinovimba naMwari ndisingatyi. Vanhu vangandiiteiko. |
| 12 |
| Ndinofanira kuita zvakandatsidza kwamuri Mwari. Ndichapira kwamuri mupiro wangu wokutenda. |
| 13 |
| Nokuti makandinunura kurufu uye makumbo angu kuti arege kudzadzarika kuti ndifambe pana Mwari muchiedza choupenyu. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/056.mp3
150
56