Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nokuti vanhu vanotsvaka kundimedza; Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza. |
| 2 |
| Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose; Nokuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji. |
| 3 |
| Panguva yandinotya, Ndichavimba nemi. |
| 4 |
| MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; Ndakavimba naMwari, handingatyi; Nyama ingandiiteiko? |
| 5 |
| Zuva rose vanoshandura mashoko angu; Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa. |
| 6 |
| Vanoungana, vanovanda, Vanocherechedza makwara angu, Kana vachivandira mweya wangu. |
| 7 |
| Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here? Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari. |
| 8 |
| Imi munoverenga madzungairiro angu; Isai misodzi yangu mumudziyo yenyu; Haizi murugwaro rwenyu here? |
| 9 |
| Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nomusi wandinodana; Ndinoziva chinhu ichi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu. |
| 10 |
| MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake. |
| 11 |
| Ndakavimba naMwari, handingatyi; Vanhu vangandiiteiko? |
| 12 |
| Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari; Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo. |
| 13 |
| Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Namakumbo angu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMwari Muchiedza choupenyu. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/056.mp3
150
56