Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Mwari mutongi wavatongi Imi madzishe zvamunotema zvine ruenzaniso here? Munotonga vanhu zviri pamutsetse here? |
| 2 |
| Kwete, imi mumwoyo menyu munoronga zvisina kunaka; munoita utsinye panyika namaoko enyu. |
| 3 |
| Vakaipa vanotsauka kubvira mudumbu; vanokanganisa kubvira pakuberekwa kwavo vachitaura nhema. |
| 4 |
| Vane uturu, uturu hunenge hwenyoka sechiva chinodzivira nzeve dzacho |
| 5 |
| kuti chirege kunzwa izwi ravadaidzi wenyoka kana roujarijari hwamapipi okuimba. |
| 6 |
| Mwari, tyoranisai mazino mukanwa mavo kwachurai TENZI mazino marefu eshumba dzechidiki. |
| 7 |
| Ngavanyangarike semvura inoyerera; ngavatsikirirwe souswa vaune. |
| 8 |
| Ngavaite sehozhwa inonyungudika kuita masiriri, semwana akaberekwa asina kusvika asingambofa akaona chiedza. |
| 9 |
| Hari dzenyu dzisati dzambonzwa moto wetsotso dzeminzwa minyoro kana yakaoma Mwari ngaavatsvaire. |
| 10 |
| Mururami achafara paanoona kutsividza ikoko. Achatoshamba zvake tsoka dzake muropa ravakaipa. |
| 11 |
| Vanhu vachati chokwadi pane mubayiro wavarurami; chokwadi kuna Mwari anotonga panyika. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/058.mp3
150
58