|
| 1 |
|
| Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu; Ndiisei pakakwirira kure navanondimukira. |
|
| 2 |
|
| Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, Ndiponesei pavanhu veropa. |
|
| 3 |
|
| Nokuti tarirai, vanovandira mweya wangu; Vane simba vakaungana kuzorwa neni; Hakuzi nokuda kokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha. |
|
| 4 |
|
| Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisina mhosva hangu; Mukai mundibatsire, muone. |
|
| 5 |
|
| Iyemi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukai mushanyire vahedheni vose; Musanzwira tsitsi mudariki upi noupi akaipa. |
|
| 6 |
|
| Vanodzoka madekwana, vanohuhudza sembwa, Vanopota neguta. |
|
| 7 |
|
| Tarirai, vanodzvova nemiromo Minondo iri pamiromo yavo; Nokuti vanoti, "Ndianiko anganzwa?" |
|
| 8 |
|
| Asi imwi Jehovha muchavaseka; Muchadadira vahedheni vose. |
|
| 9 |
|
| imwi simba rangu, ndichakumirirai; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira. |
|
| 10 |
|
| Mwari wangu achandichingura netsitsi dzake; Mwari achandionesa kukundwa kwavavengi vangu. |
|
| 11 |
|
| Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukangamwa; Muvaparadzire nesimba renyu, muvawisire pasi, Ishe nhovo yedu. |
|
| 12 |
|
| Nokuda kwechivi chomuromo wavo, namashoko emiromo yavo, Ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, Uye nokuda kokutuka nenhema dzavanotaura. |
|
| 13 |
|
| Vapedzei nehasha, vapedzei, varege kuzovapo; Ngavazive kuti Mwari anobata ushe pakati paJakobho, Kusvikira kumigumo yenyika. |
|
| 14 |
|
| Panguva yamadekwana ngavadzoke, ngavahuhudze sembwa, Ngavapote-pote neguta. |
|
| 15 |
|
| Vachadzungaira vachitsvaka zvokudya, Vachagara usiku hwose kana vasingaguti. |
|
| 16 |
|
| Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu. |
|
| 17 |
|
| Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imwi simba rangu; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, iye Mwari anondinzwira tsitsi. |
|
|
|
|