|
| 1 |
|
| Kukumbira kuchengetedzwa Ndinunureiwo Mwari kuvavengi vangu. Ndidzivirireiwo kune vari kundimukira. |
|
| 2 |
|
| Ndinunureiwo kuvaiti vezvakaipa, ndiponeseiwo kuvanhu vanofarira kudeura ropa. |
|
| 3 |
|
| Nokuti tarisai muone vanondihwandira vachida kundiuraya. Varume vanotyisa vanoita chirwirangwe kundirwisa pasina kukanganisa kana kutadza kwandaita, TENZI. |
|
| 4 |
|
| Pasina mhosva yandaita vanomhanya kundogadzirira. Simukai muuye kuzondibatsira, muone zvenyu. |
|
| 5 |
|
| Imi TENZI Mwari wehondo nehondo ndimi Mwari weIsiraeri. Simukai murange marudzi ose; musararamise kana mumwechete waavo vanoita bangano rakaipa. Dzepfunde. |
|
| 6 |
|
| Manheru oga oga vanodzoka vachihuhudza sembwa vachipota naro guta. |
|
| 7 |
|
| Ipapo vachihon'a nemiromo yavo vaina mazwi anobaya mwoyo pamiromo yavo nokuti vanoti, “Ndiani angatinzwe.” |
|
| 8 |
|
| Asi imi TENZI munovaseka zvenyu munoshora vechirudzi vose. |
|
| 9 |
|
| Imi, simba rangu, ndinotarisa kwamuri nokuti imi Mwari ndimi nhare yandinozvidzivirira nayo muhondo. |
|
| 10 |
|
| Mwari, nemwoyochena wake, achandichingura. Mwari wangu achaita kuti nditarise vavengi vangu vakundwa. |
|
| 11 |
|
| Regai kubva mavauraya vanhu vokwangu vangakanganwe; vadzungaidzei nesimba renyu mozovawisira pasi, TENZI, nhowo yedu. |
|
| 12 |
|
| Pamusana pechitadzo chemiromo yavo chavakataura nemiromo yavo, ngavakachikirwe nokuzvikudza kwavo nokuda kwokurengerera kwavo vamwe rushambwa nokureva nhema kwavanoita, |
|
| 13 |
|
| vaparadzei nehasha; vaparadzei zvokusazovapozve kuti vanhu vazive kuti Mwari ndiye anotonga vokwaJakobho kusvikira kwakagumira nyika. Dzepfunde. |
|
| 14 |
|
| Manheru oga oga vanodzoka vohuhudza sembwa vachipota naro guta |
|
| 15 |
|
| vanodzengerera vachitsvaka chokudya vachihon'a kana vasina kuguta. |
|
| 16 |
|
| Asi ini ndinoimba ndichirumbidza simba renyu. Ndichaimba ndichidaidzira ndichirumbidza mwoyochena wenyu mangwanani nokuti imi ndimi manga muri nhare yandinozvidzivirira nayo muhondo uye diziro rangu panguva yenhamo. |
|
| 17 |
|
| Imi simba rangu ndichaimba ndichikurumbidzai nokuti imi Mwari ndimi nhare yandinozvidzivirira navo muhondo. Mwari anondiitira mwoyochena. |
|
|
|
|