Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu; Ndiisei pakakwirira kure navanondimukira. |
| 2 |
| Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, Ndiponesei pavanhu veropa. |
| 3 |
| Nokuti tarirai, vanovandira mweya wangu; Vane simba vakaungana kuzorwa neni; Hakuzi nokuda kwokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha. |
| 4 |
| Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisina mhosva hangu; Mukai mundibatsire, muone. |
| 5 |
| Iyemi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukai mushanyire vahedheni vose; Musanzwira tsitsi mudariki upi noupi akaipa. |
| 6 |
| Vanodzoka madekwana, vanoudza sembwa, Vanopota neguta. |
| 7 |
| Tarirai, vanodzvova nemiromo yavo; Minondo iri pamiromo yavo; Nokuti vanoti, “Ndianiko anganzwa?” |
| 8 |
| Asi imi Jehovha muchavaseka; Muchadadira vahedheni vose. |
| 9 |
| Imi simba rangu, ndichakumirirai; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira. |
| 10 |
| Mwari wangu achandichingura netsitsi dzake; Mwari achandionesa kukundwa kwavavengi vangu. |
| 11 |
| Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa; Muvaparadzire nesimba renyu, muvawisire pasi, Ishe nhoo yedu. |
| 12 |
| Nokuda kwechivi chomuromo wavo, namashoko emiromo yavo, Ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, Uye nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura. |
| 13 |
| Vapedzei nehasha, vapedzei, varege kuzovapo; Ngavazive kuti Mwari anobata ushe pakati paJakobho, Kusvikira kumigumo yenyika. |
| 14 |
| Panguva yamadekwana ngavadzoke, ngavaudze sembwa, Ngavapote–pote neguta. |
| 15 |
| Vachadzungaira vachitsvaka zvokudya, Vachagara usiku hwose kana vasingaguti. |
| 16 |
| Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu. |
| 17 |
| Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imi simba rangu; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, iye Mwari anondinzwira tsitsi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/059.mp3
150
59