×

Shona SUB Bible 2002

Mapisarema 6

1
Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nokusafara kwenyu kukuru.
2
Ndinzwirei nyasha, Jehovha; nokuti ndaonda; Ndiporesei, Jehovha; nokuti mapfupa angu anotambudzika.
3
Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imi Jehovha, muchanonoka kusvikira rinhiko?
4
Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu.
5
Nokuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori?
6
Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhoo dzangu; Ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi yangu.
7
Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.
8
Ibvai kwandiri, imi vabati vose vezvakaipa; Nokuti Jehovha akanzwa izwi rokuchema kwangu.
9
Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.
10
Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa