Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei. |
| 2 |
| Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozununguka. |
| 3 |
| Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatimwisa waini inobata. |
| 4 |
| Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwechokwadi. |
| 5 |
| Kuti vadikamwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure. |
| 6 |
| Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, "Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti. |
| 7 |
| Giriyadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe. |
| 8 |
| Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokuda kwangu." |
| 9 |
| Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu? |
| 10 |
| Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu. |
| 11 |
| Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo. |
| 12 |
| Muna Mwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsikira vadzivisi vedu pasi. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/060.mp3
150
60