×

Shona Bible 2009?

Mapisarema 61

1
Inzwai kuchema kwangu, Mwari, Teererai munyengetero wangu.
2
Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana moyo wangu waziya; Ndiperekedzerei kudombo randisingasvikiri.
3
Nokuti imwi makanga muri utiziro hwangu, Neshongwe yangu yakasimba kwandingatiza muvengi wangu.
4
Ndichagara patende renyu nokusingaperi; Ndichavanda munyasi mamapapiro enyu.
5
Nokuti imwi Mwari makanzwa mhiko dzangu; Makadzosa nhaka yavanotya zita renyu.
6
Muchawedzera mazuva ohupenyu hwamambo; Makore ake achaenzana naamarudzi mazhinji.
7
Achagara pamberi paMwari nokusingaperi; Mumugadzirire unyoro nechokwadi, kuti zvimuchengete.
8
Naizvozvo ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusingaperi, Kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.
Shona Bible 2009?
No Data
:
Sevha Zvinyorwa