Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha. [1] Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura. |
| 2 |
| Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu. |
| 3 |
| Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai. |
| 4 |
| Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu. |
| 5 |
| Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo. |
| 6 |
| Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku. |
| 7 |
| Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu. |
| 8 |
| Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira. |
| 9 |
| Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi. |
| 10 |
| Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava. |
| 11 |
| Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/063.mp3
150
63