Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Rwiyo rwokurumbidza nokutenda Mwari imi munofanira kurumbidzwa muZioni uye kuitirwa zvamakatsidzirwa. |
| 2 |
| Imi munonzwa munamato, vanhu vose vachauya kwamuri |
| 3 |
| nemhaka yezvitadzo. Kana zvikanganiso zvedu zvatikurira munozviregerera. |
| 4 |
| Akakomborerwa zvake munhu wamunosarudza muchimuunza padyo kuti agare munhandare menyu. Munotigutsa nezvakanaka zvemba yenyu, Temberi yenyu inoera. |
| 5 |
| Munopindura muchitinunura nezviito zvenyu zvinotyisa, imi, Mwari mununuri wedu, imi chitarisiro chavanhu vose kusvikira kose kwakaperera nyika, kusvikira kumakungwa ari kwokupedzisira chaiko. |
| 6 |
| Imi makadzika makomo nesimba renyu, makapfeka simba renyu |
| 7 |
| imi munonyaradza kutinhira kwamakungwa nokutinhira kwamasaisai awo namanyongori avanhu |
| 8 |
| zvokuti vanhu vanogara kure kure kwakaperera nyika vanotya zviratidzo zvenyu. Munoita kuti mambakwedza nerubvunzavaeni zvipembere norufaro. |
| 9 |
| Munoshanyira nyika muchiidiridza, munoipfumisa zvikuru. Rukova rwaMwari ruzere mvura ndimi munopa vanhu mbesa dzavo ndiwo marongero amakazviita. |
| 10 |
| Munozadza mihoronga yayo nemvura zhinji nokusimbisisa mihomba yayo muchinyorovesa nokunaya kwayo nokukomborera zvinomera mairi. |
| 11 |
| Munopedzisa gore nomukoho wakawanda. Panofamba ngoro dzenyu pachidonha mafuta. |
| 12 |
| Mafuro omusango anenge achiyerera zvikomo zvinenge zvazara rufaro. |
| 13 |
| Mafuro atekeshera nezvipfuwo, mapani azara nembesanwa. Zvinopembera nokuimba pamwechete norufaro. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/065.mp3
150
65