×

Bhaibheri Dzvene 2005

Mapisarema 67

1
Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema. Rwiyo. [1] Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera
2
kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.
3
Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
4
Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera
5
Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.
6
Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.
7
Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.
Shona Bible (BDSC) 2005
Shona Contemporary Bible 2005, 2018 by Biblica
:
Sevha Zvinyorwa