×

Shona Bible 2002

Mapisarema 69

1
Ndiponesei, Mwari, Nokuti mvura zhinji yasvikira pamweya wangu.
2
Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pokumira; Ndakasvika pamvura zhinji yakadzika, pandinofukidzwa nenzizi.
3
Ndaneta nokuchema kwangu; huro dzangu dzaoma; Meso angu anovava nokurindira Mwari wangu.
4
Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyange vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora.
5
Mwari munoziva upenzi hwangu; Mhosva dzangu hadzina kukuvanzirwai.
6
Ishe Mwari wehondo, vanokurindirai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu; Mwari waIsiraeri, vanokutsvakai ngavarege kuzvidzwa nokuda kwangu.
7
Nokuti ndakatenda kushorwa nokuda kwenyu; Kunyadza kwakafukidza chiso changu.
8
Ndakava mutorwa kuhama dzangu, Nomubvakure kuvana vamai vangu.
9
Nokuti kushingairira imba yenyu kwakandipedza; Nokushora, kwavanokushorai kwakawira pamusoro pangu.
10
Panbuva yokuchema kwangu nokutambudza mweya wangu ndichizvinyima, Ndakashorwa nokuda kwazvo.
11
Panguva yandakafuka masaga ndikaaita nguo dzangu. Ndakava shumo pakati pavo.
12
Vanogara pasuo vanondireva; Ndiri chiimbo chavakabatwa nedoro.
13
Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka.
14
Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.
15
Boporodzi remvura rirege kundikunda. Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu.
16
Ndipindurei, Jehovha; nokuti unyoro hwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji.
17
Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura.
18
Swederai kumweya wangu, muudzikinure; Ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.
19
Munoziva kushorwa kwangu, nokunyadzwa kwangu nokuzvidzwa kwangu; Vadzivisi vangu vose vari mberi kwangu.
20
Kushora kwakaputsa mwoyo wangu; ndaremerwa kwazvo; Ndakatsvaka vangandinzwira nyasha, asi kwakanga kusino munhu; Ndatsvaka vavaraidzi, asi handina kuwana nomumwe.
21
Vakandipa nduru zvive zvokudya zvangu; Pakunzwa nyota kwangu vakandinwisa vhiniga.
22
Tafura yavo ngaive musungo pamberi pavo; Neriva, kana vakagarika havo.
23
Meso avo ngaapofomadzwe, varege kuona, Zviuno zvavo ngazvirambe zvichiguda-guda.
24
Dururai kutsamwa kwenyu pamusoro pavo, Hasha dzenyu dzinopfuta, ngadzivabate.
25
Ugaro hwavo ngahuparadzwe; Ngakurege kuva nomunhu anogara pamatende avo.
26
Nokuti vanotambudza uyo wamakarova; Vanotaura zvokurwadziwa kwavaya vamakakuvadza.
27
Wedzerai zvakaipa pazvakaipa zvavo; Ngavarege kupinda pakururama kwenyu.
28
Ngavadzimwe parugwaro rwoupenyu, Varege kunyorwa pamwechete navakarurama.
29
Asi ini ndiri murombo, ndinorwadziwa; Kuponesa kwenyu, Mwari, ngakundiise pakakwirira.
30
Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, Ndichamukudza nokuvonga.
31
Izvo zvichafadza Jehovha kupfuura nzombe, Kana hando ine nyanga namahwanda.
32
Vanyoro vakazviona vakafara; Imi munotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame.
33
Nokuti Jehovha anonzwa vashaiwi, Haashori vasungwa vake.
34
Kudenga napasi ngazvimurumbidze, Makungwa, nezvose zvinopfakanyikamo.
35
Nokuti Mwari achaponesa Zioni, nokuvaka maguta aJudha; Vachagaramo, ive nhaka yavo.
36
Ichava nhaka yavana vavaranda vake; Vanoda zita rake vachagaramo.
Shona Bible 2002
Shona Union Version 2002
:
Sevha Zvinyorwa