Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Rwiyo rwokuchema kuna Mwari. Kuungudza kwaDhavhidhi kwaakaita kuna TENZI nezvaKushi wedzinza rokwaBhenjamini. TENZI Mwari wangu, mamuri ndimo mandinopotera. Ndiponeseiwo kune vanondironda mundinunure, |
| 2 |
| vangadaro vakandibvambura-bvambura seshumba vakandizvuzvurudza pasina anondinunura. |
| 3 |
| TENZI Mwari wangu kana pane chandakaita, kana ndakabata chakaipa namaoko angu, |
| 4 |
| kana ndakadzorera mumwe wangu nechakaipa kana kupamba mhandu yangu pasina chikonzero, |
| 5 |
| muvengi ngaandironde andibate atsokodzere zvake upenyu hwangu muvhu anditi rabada muhuruva. Dzepfunde |
| 6 |
| Simukai TENZI nehasha dzenyu; zvisimudzei murwise vavengi vangu vane hasha. Mukai Mwari wangu, ndimi makatema wani kuti pave neruenzaniso. |
| 7 |
| Gungano ramarudzi avanhu ngarikuunganirei. Imi pamusoro pegungano iroro mugare pachigaro chenyu chapamusoro. |
| 8 |
| TENZI ndiye anotonga marudzi avanhu. TENZI ratidzai kuti ndakarurama uye kuti ndiri pachokwadi. |
| 9 |
| Uipi hwavakaipa ngaupere, asi vakarurama vabudirire, imi munoedza pfungwa nomwoyo yavanhu, imi Mwari akarurama. |
| 10 |
| Mwari ndiye nhoo yangu anonunura vano mwoyo yakarurama. |
| 11 |
| Mwari mutongi akarurama; pane mhosva anoti pane mhosva mazuva ose. |
| 12 |
| Kana munhu akasapinduka, Mwari anorodza bakatwa rake anotatamura nokukunga uta hwake, |
| 13 |
| anogadzirira zvombo zvake zvinouraya agoita kuti miseve yake ive moto moto. |
| 14 |
| Wakaipa anofunga zvakaipa agoti shutu kuzara nomusikanzwa ozoburitsa nhema. |
| 15 |
| Anochera hunza, woifonon'ona ozowira mugomba raachera iroro. |
| 16 |
| Musikanzwa wake unomupfukira utsinye hwake hunomukoromokera. |
| 17 |
| Ndinotenda TENZI noruenzaniso rwake. Ndicharumbidza zita raTENZI Wokumusorosoro. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/007.mp3
150
7