|
| 1 |
|
| Ndinopotera kwamuri TENZI musaite kuti ndinyadziswe. |
|
| 2 |
|
| Sezvamakarurama kudai ndinunureiwo, ndisunungureiwo, rerekerai nzeve yenyu kwandiri mundinunure. |
|
| 3 |
|
| Ivai kwandiri bako rokupotera, nhare yakasimba yokundinunura nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu. |
|
| 4 |
|
| Ndinunureiwo Mwari wangu kumaoko avanhu vakaipa; kumaoko anombandika omunhu asakarurama anoutsinye. |
|
| 5 |
|
| Ndimi chitarisiro changu TENZI, wandinovimba naye kubvira pauduku hwangu TENZI. |
|
| 6 |
|
| Ndakatsamira pamuri kubvira pakuberekwa kwangu, ndimi makanditora munhumbu maamai vangu, ndinoramba ndichingokurumbidzai chete. |
|
| 7 |
|
| Ndakava chinhu chinokahadzisa kuvazhinji asi imi ndimi botero rangu rakasimba. |
|
| 8 |
|
| Kukurumbidzai hakuchabvi pamuromo pangu uye ndichaswera muswere wose ndichikupai mbiri. |
|
| 9 |
|
| Musandirase kana ndakwegura musandifuratire kana ndapera simba. |
|
| 10 |
|
| Nokuti vavengi vangu vanotaura nezvangu, vanotsvaka zvokundiuraya, vanorangana |
|
| 11 |
|
| vachiti, “Mwari wamurasa ngatimurondei timubate, nokuti hapana anomununura.” |
|
| 12 |
|
| Mwari regai kuva kure neni; Mwari wangu chimbidzai kuzondibatsira. |
|
| 13 |
|
| Vanondipa mhosva ngavanyadziswe vaparadzwe. Ngavazadzwe nokushorwa nokunyadziswa vanotsvaka zvokundirwadzisa. |
|
| 14 |
|
| Ndicharamba ndichingotarisira uye ndichakurumbidzai kakawanda. |
|
| 15 |
|
| Muromo wangu uchataura nezvamabasa enyu akarurama uye zuva rose nezvokununura kwenyu nokuti handikwanisi kuzviverenga. |
|
| 16 |
|
| Ndichauya nesimba raTENZI Mwari kuzoparidza ururami hwenyu, hwenyu imi chete. |
|
| 17 |
|
| Mwari makandidzidzisa kubva pauduku hwangu, kusvikira pari zvino ndinoparidza mabasa enyu anoshamisa. |
|
| 18 |
|
| Saizvozvo kusvika pakukwegura kwangu napakuchena musoro, Mwari musandirase kusvikira ndaparidza simba renyu kuzvizvarwa zvose zvichauya. |
|
| 19 |
|
| Simba renyu noururami hwenyu Mwari zvinosvika kumatenga-tenga chaiko. Imi makaita zvinhu zvikuru. Mwari ndiani akaita semi? |
|
| 20 |
|
| Makandionesa nhamo nepfumvu dzakawanda, muchandimutsazve nokundiburitsa munzvimbo yapasi yakadzika. |
|
| 21 |
|
| Muchapamhidzira ukuru hwangu muchindinyaradzazve. |
|
| 22 |
|
| Ndichakurumbidzai nedimbwa ndichirumbidza kuva pachokwadi kwenyu. Mwari wangu ndichakurumbidzai nechipendani, imi mutsvene weIsiraeri. |
|
| 23 |
|
| Miromo yangu ichapururudza norufaro pandinoimba ndichikurumbidzai uyewo iyeni nokundinunura kwamakaita. |
|
| 24 |
|
| Rurimi rwangu ruchakurukura zuva rose nezvoururami hwenyu nokuti vaida kundikuvadza vakanyadziswa nokushorwa. |
|
|
|
|