×

Bhaibhiri Idzva 2008

Mapisarema 72

1
Kunamatira Mambo Mwari itai kuti mambo ave neruenzaniso rwenyu uye ururami hwenyu kumwana wokumbahuru.
2
Ngaatonge vanhu venyu noururami atonge varombo venyu noruenzaniso.
3
Makomo ngaave nokubudirira kwavanhu, zvikomo zvive noururami.
4
Ngaadzivirire vanhu varombo anunure vasina chavanacho. Aparadze vanodzvinyirira.
5
Chero zuva richiri kupenya vanhu ngavakutyei uye chero mwedzi uchiri kuvheneka pazvizvarwa zvose.
6
Ngaave semvura inonaya pauswa hwachekererwa uye semvura inonaya ichidiridza pasi.
7
Panguva yake, ururami ngahutekeshere rugare rudzike midzi kusvikira mwedzi usisipo.
8
Kutonga kwake ngakubve kune rimwe gungwa kusvika kune rimwe, kubva kurwizi rwaYufuretesi kusvika kwakagumira nyika.
9
Vavengi vake ngavamugwadamire; mhandu dzake dzinanzviswe pasi.
10
Madzimambo okuTashishi nookuzvitsuwa ngaatere mutero kwaari. Madzimambo okuShebha nokuSebha ngavauye nezvipo.
11
Madzimambo ose ngaamugwadamire marudzi ose amushandire.
12
Nokuti anonunura asina chaanacho kana achichema-chema, murombo naasina anomubatsira.
13
Anonzwira tsitsi akarukutika naasina chaanacho achiponesa vasina chavanacho muupenyu.
14
Anovanunura upenyu mukudzvinyirirwa noutsinye uye ropa ravo rakakosha kwaari.
15
Ngaararame kwenguwa ndefu uye apiwe ndarama yeShebha. Ngaarambe achinamatirwa, ngaakumbirirwe makomborero zuva rose.
16
Nyika ngaive nembeswa zhinji dziti nemisoro yamakomo neyaneya, michero yadzo iite seyokuRebhanoni. Maguta azare navanhu souswa hwomusango.
17
Zita rake ngarigare nokusingaperi nembiri yake ivepo chero panenge zuva richirivhenekera. Nokuda kwake vanhu vachatoti, “Mwari wakomborera.” Marudzi achamuti, “Akakomborerwa.”
18
TENZI ngaarumbidzwe Mwari waIsiraeri ndiye oga anoita zvinoshamisa.
19
Zita rake ngarirumbidzwe nokusingaperi. Mbiri yake ngaizare pasi pose. Ameni Ameni.
20
Minamato yaDhavhidhi, mwana waJese, inoperera pano.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa