×

Shona SUB Bible 2002

Mapisarema 72

1
Ipai mambo zvamakatonga, Mwari, Nokururama kwenyu kumwanakomana wamambo.
2
Achatongera vanhu venyu nokururama, Navarombo venyu achavaruramisira.
3
Makomo nezvikomo achavigira vanhu rugare, nokururama.
4
Achatongera varombo vavanhu, Achaponesa vana vavashaiwi, Nokupwanya mumanikidzi.
5
Vachakutyai kana zuva richipo, Uye kana mwedzi uchipo, kusvikira kumarudzi namarudzi.
6
Achaburuka iye semvura pauswa hwakagurirwa; Semvura inonaya ichidiridza pasi.
7
Nemisi yake akarurama achakura zvakanaka; Rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.
8
Achabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, Nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.
9
Vagere pamarenje vachapfugama pamberi pake; Vavengi vake vachananzva guruva.
10
Madzimambo eTashishi neezvivi achauya nezvipo; Madzimambo eShebha neSebha vachamuvigira zvipo;
11
Zvirokwazvo, madzimambo ose achawira pasi pamberi pake; Ndudzi dzose dzichamushumira.
12
Nokuti acharwira mushaiwi kana achidanidzira; Nomurombo asina mubatsiri.
13
Achanzwira nyasha murombo nomushaiwi, Achaponesa mweya yavashaiwi.
14
Achadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; Ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake;
15
Iye achararama, achapiwa ndarama yeShebha; Vanhu vacharamba vachimunyengeterera; Vachamuvonga zuva rose.
16
Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo; Zvibereko zvazvo zvichavhunga seRebhanoni; Vanogara paguta vachakura souswa pasi.
17
Zita rake richavapo nokusingaperi; Zita rake richagara riripo panguva yose yokuvapo kwezuva; Vanhu vacharopafadzwa maari; Ndudzi dzose dzichati, “Ano mufaro.”
18
Jehovha Mwari, iye Mwari waIsiraeri, ngaarumbidzwe, Iye oga anoita zvinoshamisa.
19
Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; Pasi pose ngapazadzwe nokubwinya kwenyu. Ameni, Ameni.
20
Minyengetero yaDhavhidhi mwanakomana waJese yapera.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa