Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Pisarema raAsafi. [1] Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo. |
| 2 |
| Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika. |
| 3 |
| Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa. |
| 4 |
| Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba. |
| 5 |
| Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu. |
| 6 |
| Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba. |
| 7 |
| Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo. |
| 8 |
| Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe. |
| 9 |
| Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika. |
| 10 |
| Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda. |
| 11 |
| Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?” |
| 12 |
| Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo. |
| 13 |
| Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina. |
| 14 |
| Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose. |
| 15 |
| Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu. |
| 16 |
| Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo |
| 17 |
| kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo. |
| 18 |
| Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare. |
| 19 |
| Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa! |
| 20 |
| Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka. |
| 21 |
| Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika, |
| 22 |
| ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu. |
| 23 |
| Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi. |
| 24 |
| Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu. |
| 25 |
| Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu. |
| 26 |
| Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi. |
| 27 |
| Avo vari kure nemi vachaparara; munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri. |
| 28 |
| Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/073.mp3
150
73