|
| 1 |
|
| Rwiyo rwaAsafu. Chokwadi Mwari wakanaka akarurama kuna vakachena mumwoyo. |
|
| 2 |
|
| Asi ini ndakapotsa ndapingirishwa, makumbo angu akanga avakutoda kutsvedza. |
|
| 3 |
|
| Nokuti ndaive neshanje navanozvitutumadza pandakaona kubudirira kwavakaipa. |
|
| 4 |
|
| Nokuti havana chinovarwadza, miviri yavo yakasimba kuti gwindiri. |
|
| 5 |
|
| Havana nhamo dzina vamwe, havatambudziki sezvinoita vamwe vanhu. |
|
| 6 |
|
| Nokudaro kuzvitutumadza ndicho chishongo chavo chomumutsipa. Kuita zvechisimba ndiyo hanzu yavo yavanopfeka. |
|
| 7 |
|
| Maziso avo akatozvimba nokukora, mwoyo yavo inotutumira noupenzi. |
|
| 8 |
|
| Vanonyomba nokutaura nounyengedzi, vanotyityidzira vanhu vachizvikudza vachiti vachavatonga zvakaipa. |
|
| 9 |
|
| Vanotuka denga vachidzongodza nyika nezvinobva pamuromo pavo. |
|
| 10 |
|
| Nezvo vanhu vanopinduka vovarumbidza vachishaya chakaipa mavari. |
|
| 11 |
|
| Vanototi Mwari angazvizive sei, iye Wokumusorosoro chaangazivewo chii. |
|
| 12 |
|
| Ndizvo zvakaita vakaipa izvi, vanogara vakagarikana, upfumi vachingoita matutu matutu. |
|
| 13 |
|
| Ndakachengetera pasina mwoyo wangu wakachena, chandakazvichengetera maoko angu asina chaakabata chakaipa hapana. |
|
| 14 |
|
| Nokuti ndinotambudzwa zuva rose uye ndinorangwa mangwanani oga oga. |
|
| 15 |
|
| Dai kuri kuti ndaiti regai nditaure zvangu ndichidai. Ndingadai ndisina kuva pachokwadi kuzvizvarwa zvavana venyu. |
|
| 16 |
|
| Pandakati regai ndiedze kuzvinzwisisa izvi, chakave chinhu chakaomarara kwazvo |
|
| 17 |
|
| kusvika ndaenda munzvimbo yenyu inoera, ndopandakazoziva magumo avo. |
|
| 18 |
|
| Zvirokwazvo munovaisa panotsvedza, munoita kuti vapinde mukuparadzwa. |
|
| 19 |
|
| Vanoyerekana vaparadzwa munovatsvaira nezvinotyisa. |
|
| 20 |
|
| Vanoita sechiroto munhu paunomuka. Pamunosimuka munovatora sechinhu pasina. |
|
| 21 |
|
| Pandakanga ndasuruvara, ndabaiwa mwoyo, |
|
| 22 |
|
| ndakanga ndazungaira ndisina chandinoziva ndakaita semhuka zvayo kwamuri. |
|
| 23 |
|
| Kunyange zvakadaro zvazvo ndinoramba ndinemi nguva dzose munondibata ruoko rworudyi. |
|
| 24 |
|
| Munonditungamirira namazano enyu mushure mezvo muchandigamuchira mumbiri yenyu. |
|
| 25 |
|
| Ndiani wangu ari kudenga kusiya imi? Uye hapana chandinoda panyika kusiya imi. |
|
| 26 |
|
| Nyama yangu nemwoyo wangu zvingakundike zvazvo asi Mwari ndiye simba rangu uye ndiye mugove wangu nokusingaperi. Nokuti vanogara kure nemi vanoparara |
|
| 27 |
|
| imi munoparadza vanoita unzenza hwokusava pachokwadi nemi. |
|
| 28 |
|
| Chakandinakira ini kugara padyo naMwari. Mwari ndiye wandakaita wokupotera naye kuti ndiparidze mabasa enyu ose. |
|
|
|
|