Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo. [1] Mwari anozivikanwa muJudha; zita rake iguru muIsraeri. |
| 2 |
| Tende rake riri muSaremu, ugaro hwake paZioni. |
| 3 |
| Ndipo paakavhuna miseve inovaima, nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera |
| 4 |
| Imi makashongedzwa nechiedza, kupfuura makomo akapfuma nemhuka. |
| 5 |
| Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa, vakavata hope dzavo dzokupedzisira; hakuna mumwe wavarwi angasimudza maoko ake. |
| 6 |
| Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho, zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro. |
| 7 |
| Imi moga ndimi munofanira kutyiwa. Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu? |
| 8 |
| Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu, uye nyika yakatya ikanyarara, |
| 9 |
| haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge, kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera |
| 10 |
| Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa, uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa. |
| 11 |
| Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa; nyika dzose dzakakupoteredzai ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa. |
| 12 |
| Anoputsa mweya yavatongi; anotyiwa namadzimambo enyika. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/076.mp3
150
76