|
| 1 |
|
| Kumutungamiri wokuimba zveJedhutuni. Pisarema raAsafi. [1] Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe. |
|
| 2 |
|
| Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa. |
|
| 3 |
|
| Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera |
|
| 4 |
|
| Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura. |
|
| 5 |
|
| Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare; |
|
| 6 |
|
| ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati, |
|
| 7 |
|
| “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? haachazombonzwiri ngonizve here? |
|
| 8 |
|
| Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera |
|
| 9 |
|
| Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?” |
|
| 10 |
|
| Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pana izvozvi: makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro.” |
|
| 11 |
|
| Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare. |
|
| 12 |
|
| Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru. |
|
| 13 |
|
| Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu? |
|
| 14 |
|
| Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu. |
|
| 15 |
|
| Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera |
|
| 16 |
|
| Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda. |
|
| 17 |
|
| Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nomutinhiro; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko. |
|
| 18 |
|
| Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka. |
|
| 19 |
|
| Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi. |
|
| 20 |
|
| Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni. |
|
|
|
|