|
| 1 |
|
| Teererai murayiro wangu, imwi vanhu vangu; Rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu. |
|
| 2 |
|
| Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo; Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare, |
|
| 3 |
|
| Zvatakanzwa nezvatakaziva, Nezvatakaudzwa namadzibaba edu. |
|
| 4 |
|
| Hatingazvivanziri vana vavo, Asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita. |
|
| 5 |
|
| Nokuti akamutsa chipupuriro pakati paJakobho, Akatema murayiro pakati paIsiraeri, Akazviraira madzibaba edu, Kuti vazvizivise vana vavo; |
|
| 6 |
|
| Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo vana vachazoberekwa; Ivo vasimuke vazviudze vana vavo; |
|
| 7 |
|
| Kuti tariro yavo ive kuna Mwari, Varege kukangamwa mabasa aMwari, Asi vachengete mirairo yake; |
|
| 8 |
|
| Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa moyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari. |
|
| 9 |
|
| Vana vaEfuraimu, kunyange vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta, Vakadzokera shure pazuva rokurwa. |
|
| 10 |
|
| Havana kuchengeta sungano yaMwari, Vakaramba kufamba nomurayiro wake; |
|
| 11 |
|
| Vakakangamwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza. |
|
| 12 |
|
| Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pamadzibaba avo, Panyika yeIjipiti, pasango reZoani. |
|
| 13 |
|
| Wakapamura gungwa, akavayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi. |
|
| 14 |
|
| Masikatiwo wakavafambisa negore, Nousiku hwose nechiedza chomoto. |
|
| 15 |
|
| Wakapamura matombo murenje, Akavamwisa zvakanaka kwazvo sapamvura inobva pakadzika. |
|
| 16 |
|
| Akabudisawo hova dzemvura padombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi. |
|
| 17 |
|
| Kunyange zvakadaro vakaramba vachimutadzira, Nokumukira Wokumusorosoro murenje. |
|
| 18 |
|
| Vakaidza Mwari mumoyo mavo Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo. |
|
| 19 |
|
| Zvirokwazvo vakapopotera Mwari Vakati, "Mwari angatigadzirira chokudya murenje here? |
|
| 20 |
|
| Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hova dzakayerera; Ko angapa chingwawo here? Ungavigira vanhu vake nyama here?" |
|
| 21 |
|
| Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakobho, Kutsamwa kukamukira Isiraeri; |
|
| 22 |
|
| Nokuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponesa kwake. |
|
| 23 |
|
| Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga; |
|
| 24 |
|
| Akanisa mana*pamusoro pavo kuti vadye, Akavapa zviyo zvokudenga. |
|
| 25 |
|
| Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta. |
|
| 26 |
|
| Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake. |
|
| 27 |
|
| Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa; |
|
| 28 |
|
| Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere. |
|
| 29 |
|
| Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira. |
|
| 30 |
|
| Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo, |
|
| 31 |
|
| Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri. |
|
| 32 |
|
| Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa. |
|
| 33 |
|
| Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa. |
|
| 34 |
|
| Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza, vakashingaira kutsvaka Mwari. |
|
| 35 |
|
| Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo, NaMwari Wokumusorosoro mudzikunuri wavo. |
|
| 36 |
|
| Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo, Vakamurevera nhema nendimi dzavo. |
|
| 37 |
|
| Nokuti moyo yavo yakanga isina kururama kwaari, Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake. |
|
| 38 |
|
| Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru, akavakangamwira kuipa kwavo, akasavaparadza; Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose. |
|
| 39 |
|
| Akarangarira kuti vakanga vari nyama bedzi; Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve. |
|
| 40 |
|
| Vakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shungu mugwenga! |
|
| 41 |
|
| Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, Vakadzivisa Mutsvene waIsiraeri. |
|
| 42 |
|
| Havana kurangarira ruoko rwake, Kana zuva raakavadzikunura pamudzivisi. |
|
| 43 |
|
| Panguva yaakavaratidza zviratidzo zvake Nezvishamiso zvake pasango reZoani; |
|
| 44 |
|
| Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa, Nehova dzavo, vakakoniwa kumwa mvura yadzo. |
|
| 45 |
|
| Akatuma pakati pavo mapupira enhunzi, dzakavaruma; Namatafi, akavaparadza. |
|
| 46 |
|
| Zvibereko zvavo wakazvipa mhunduru, Zvavakabatira akazvipa mhashu. |
|
| 47 |
|
| Akaparadza mizambiringa yavo nechimvuramabwe, Nemionde yavo nechando. |
|
| 48 |
|
| Mombe dzavo akadziisawo pachimvuramabwe, Zvipfuwo zvavo akazviisa pamheni. |
|
| 49 |
|
| Akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru, Nehasha neshungu nokutambudza, Rikaita boka ravatumwa vezvakaipa. |
|
| 50 |
|
| Akagadzirira kutsamwa kwake nzira; Haana kubvisa mweya wavo parufu, Asi akaisa upenyu hwavo kuhosha; |
|
| 51 |
|
| Akarova matangwe ose paIjipiti, Ivo vokutanga vesimba ravo pamatende aHami; |
|
| 52 |
|
| Asi akabudisa vanhu vake samakwai, Akavaperekedza murenje seboka rezvipfuwo. |
|
| 53 |
|
| Akavafambisa vakafara, vakasatya; Asi gungwa rakafukidza vavengi vavo. |
|
| 54 |
|
| Akavasvitsa panyika yake tsvene, Pagomo iri, raakatenga noruoko rwake rworudyi. |
|
| 55 |
|
| Akadzingawo ndudzi pamberi pavo, Akavaganhurira ivo vave nhaka yavo, Akagarisa vaIsiraeri pamatende avo. |
|
| 56 |
|
| Kunyange zvakadaro vakaidza Mwari Wokumusorosoro, vakamumukira, Vakasachengeta zvipupuriro zvake; |
|
| 57 |
|
| Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera. Vakatsauka souta hunonyengera. |
|
| 58 |
|
| Nokuti vakamutsa kutsamwa kwake namatunhu avo akakwirira, Vakamutsa godo rake nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa. |
|
| 59 |
|
| Zvino Mwari akati achizvinzwa, akatsamwa kwazvo, Akasema Isiraeri kwazvo-kwazvo. |
|
| 60 |
|
| Akabva patabhenakeri yeShiro, Tende raakanga akaisa pakati pavanhu; |
|
| 61 |
|
| Akaisa simba rake mukutapwa, Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi. |
|
| 62 |
|
| Vanhu vake wakavaisawo kumunondo; Akatsamwira nhaka yake kwazvo. |
|
| 63 |
|
| Moto wakapedza majaya avo; Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo. |
|
| 64 |
|
| Vaprista vavo vakaurawa nomunondo; Chirikadzi dzavo hadzina kuchema. |
|
| 65 |
|
| Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete, Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini. |
|
| 66 |
|
| Akarova vadzivisi vake, vakadzokera sure. Akavanyadzisa zvisingaperi. |
|
| 67 |
|
| Akarambawo tende raJosefa, Akasanangura rudzi rwaEfuremu. |
|
| 68 |
|
| Asi akasanangura rudzi rwaJudha, Negomo reZiyoni raakanga achida. |
|
| 69 |
|
| Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusingaperi. |
|
| 70 |
|
| Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, Akamubvisa pamatanga amakwai; |
|
| 71 |
|
| Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa, Kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, naIsiraeri nhaka yake. |
|
| 72 |
|
| Naizvozvo akavafudza nokururama komoyo wake; Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake. |
|
|
|
|