|
| 1 |
|
| Chidziidzo chinobva kunhoroondo yavaIsiraeri Teererai vanhu vangu kune zvandinokudzidzisai, rerekerai nzeve dzenyu kumazwi omuromo wangu. |
|
| 2 |
|
| Ndichazarura muromo wangu nomufananidzo ndichataura madimikira akadzama apasichigare, |
|
| 3 |
|
| zvinhu zvatakanzwa zvatinoziva, zvatakaudzwa namadzitateguru edu. |
|
| 4 |
|
| Hatingazvivanziri vana vavo, asi tinozvitaurira zvizvarwa zvinotevera, zviito zvaTENZI nesimba rake nezvishamiso zvaakaita. |
|
| 5 |
|
| Akadzika mutemo maJakobho akatema mutemo muIsiraeri yaakati madzibaba edu adzidzise vana vavo |
|
| 6 |
|
| kuitira kuti chizvarwa chinotevera chizvizive, ichocho chichazvarwa chimuke chizotaurirawo vana vacho |
|
| 7 |
|
| kuti vaise chivimbo chavo muna Mwari varege kukanganwa mabasa aMwari, asi kuti vachengete mitemo yake |
|
| 8 |
|
| uye kuti varege kuita samadzibaba avo vaiva tsvuuramuromo nechizvarwa chakapanduka, vaiva chizvarwa chisina kugadzana mwoyo, vakanga vasina mweya wokutendeka kuna Mwari. |
|
| 9 |
|
| VokwaEfuremu vaive vakapakata miseve nouta, vakadzokera shure pazuva rehondo. |
|
| 10 |
|
| Havana kuchengeta chitenderano chaMwari. Vakatoramba kutevera mutemo wake. |
|
| 11 |
|
| Vakakanganwa zvaakanga aita uye zvishamiso zvaakanga avaratidza. |
|
| 12 |
|
| Akaita minana pamberi pamadzitateguru avo munyika eIjipiti, mumasango okuZoani. |
|
| 13 |
|
| Akaganhura gungwa akavapfuudza nomo akamisa mvura kuita murwi. |
|
| 14 |
|
| Kumasikati aivatungamirira negore, usiku hwose aivatungamirira nerimi romoto. |
|
| 15 |
|
| Akatsemura matombo murenje akavapa mvura yokunwa yakawanda sokunge yaibva pasi pasi chaipo. |
|
| 16 |
|
| Akaburitsa tukova mudombo akaita kuti mvura iyerere sehova. |
|
| 17 |
|
| Asi vakatoramba vachimutadzira vachipandukira wokumusorosoro murenje. |
|
| 18 |
|
| Vakaedza Mwari mumwoyo yavo nokuramba vachingokumbira chokudya chavaipanga. |
|
| 19 |
|
| Vakapopotera Mwari vachiti, “Mwari angaisire vanhu chokudya pamberi pavo murenje here? |
|
| 20 |
|
| Akarova dombo wani mvura ikapozhoka, tukova tukafashukira. Angakwanise kupa chingwa here kana kupa vanhu vake nyama?” |
|
| 21 |
|
| Naizvozvo TENZI paakazvinzwa akazara nehasha. Akatungidza Jakobho nemoto. Hasha dzake dzakavirukira Isiraeri |
|
| 22 |
|
| nokuti vakanga vasingatendeseki naMwari, havana kuvimba nesimba rake rokununura. |
|
| 23 |
|
| Zvakadaro zvazvo akataurira matenga kumusoro akazarura makonhi okudenga. |
|
| 24 |
|
| Akavanaisira mana kuti vadye akavapa chingwa chokudenga. |
|
| 25 |
|
| Vanhu vakadya chingwa chavatumwa, akavatumira chokudya chakawanda. |
|
| 26 |
|
| Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga. Akatungamirira nesimba mhepo yokumaodzanyemba. |
|
| 27 |
|
| Akanaisa pavari nyama sohuruva, shiri dzina mapapiro sejecha ramakungwa. |
|
| 28 |
|
| Akadzidonhesa pakati pamatendhe avo munharaunda yose yapavaigara. |
|
| 29 |
|
| Vakadya vakanyatsoguta nokuti akavapa zvavaipanga. |
|
| 30 |
|
| Asi havi yavo isati yambopera, chokudya chichiri mukanwa mavo, |
|
| 31 |
|
| Mwari akavavirukira nehasha akauraya vakanyatsosimba vacho akarizha majaya akasvika eIsiraeri. |
|
| 32 |
|
| Zvakadaro zvazvo vakangoramba vachitadza chete, kunyange nezvishamiso zvake havana kuvimba naye. |
|
| 33 |
|
| Nezvo akanyangarisa mazuva avo sefemo, akanyangarisawo makore avo nepfumvu nechimbichimbi. |
|
| 34 |
|
| Paakavauraya vakamutsvaka vakatendeuka vakatsvakisisa Mwari. |
|
| 35 |
|
| Vakayeuka kuti Mwari ndiye dombo ravo uye kuti Mwari Wokumusorosoro ndiye mununuri wavo. |
|
| 36 |
|
| Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo vakamurevera nhema norurimi rwavo. |
|
| 37 |
|
| Vakanga vasiri pachokwadi naye, havana kuita zviri pachokwadi nechitenderano chake. |
|
| 38 |
|
| Asi iye netsiyenyoro dzake akavaregerera uipi hwavo akarega kuvaparadza, akadzora hasha dzake kazhinji, akarega kuviruka nehasha dzake dzose. |
|
| 39 |
|
| Akayeuka kuti vanongova nyama, mhepo zvayo inopfuura isingazodzokizve. |
|
| 40 |
|
| Kanganiko kavakamupandukira murenje vakamushatirisa mugwenga. |
|
| 41 |
|
| Vakamuedza kakawanda vakadenha Mutsvene waIsiraeri. |
|
| 42 |
|
| Havana kurangarira simba rake kana kurangarira zuva raakavanunura kumuvengi |
|
| 43 |
|
| paakaita zvishamiso zvake muIjipiti paakaita minana yake mumasango ekuZoani. |
|
| 44 |
|
| Akasandura hova dzikava ropa zvokuti havana kukwanisa kunwa mutukova twavo. |
|
| 45 |
|
| Akavatumira bute renhunzi dzakavadya namatafi akavaparadza. |
|
| 46 |
|
| Akapa mbeswa dzavo kumakonye uye muchero wamabasa avo kumhashu. |
|
| 47 |
|
| Akaparadza migirepisi yavo nechimvuramahwe uye mionde yavo nechando. |
|
| 48 |
|
| Akarova mombe dzavo nechimvuramahwe uye hwai akadzirova nemheni. |
|
| 49 |
|
| Akavavirukira kwazvo nehasha akavashatirirwa akavatsamwira zvikuru akavapa nhamo idzi dzaiva nhumwa dzake dzokuparadza. |
|
| 50 |
|
| Akavaputikira nehasha, haana kurega kuvauraya, akavaparadza upenyu nedenda. |
|
| 51 |
|
| Akauraya matangwe ose muIjipiti, vana vokutanga vesimba ravo mumatumba okwaHamu. |
|
| 52 |
|
| Iye akatungamirira vanhu vake sehwai akavatungamirira murenje sedanga. |
|
| 53 |
|
| Akavatungamirira zvisina njodzi zvokuti havana kutya asi gungwa rakafusira vavengi vavo. |
|
| 54 |
|
| Akavaunza kunyika yake inoera kugomo rake raakawana nesimba reruoko rwake rworudyi. |
|
| 55 |
|
| Akafanovatandira marudzi, akavakamuranisa migove yavo, akagarisa vaIsiraeri mumatendhe avo. |
|
| 56 |
|
| Vakaedza Mwari Wokumusorosoro, vakamupandukira uye havana kuchengeta mitemo yake. |
|
| 57 |
|
| Asi vakatotsauka vakaiita zvisina kutendeka samadzibaba avo; vakamonyoroka souta husina kutsarukana. |
|
| 58 |
|
| Nokuti vakamushatirisa nenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakatunhumara; vakaita kuti aite shanje nokuda kwezvifananidzo zvavo zvokunamata. |
|
| 59 |
|
| Mwari paakazvinzwa akazara nehasha, akabva aramwa Isiraeri chaizvo. |
|
| 60 |
|
| Akafuratira nzvimbo yake yaaigara kuShiro, dumba raaigara pakati pavanhu. |
|
| 61 |
|
| Akaisa simba rake, paArika yechitenderano, kuutapwa, akaisa mbiri yake mumaoko omuvengi. |
|
| 62 |
|
| Akapinza vanhu vake mukuuraiwa nebakatwa rehondo akavirukira nhaka yake nehasha. |
|
| 63 |
|
| Majaya avo akavaroromesa nemoto, mhandara dzavo dzakashaya rumbo rwomuchato. |
|
| 64 |
|
| Vapristi vavo vakauraiwa namapakatwa chirikadzi dzavo hadzina kuvachema. |
|
| 65 |
|
| TENZI akaita seari kupepuka muhope segamba rakundwa newaini. |
|
| 66 |
|
| Akagarisa vavengi vake pasi, akavanyadzisa zvinogara zvakadaro. |
|
| 67 |
|
| Akaramba vemba yokwaJosefi. Akarega kusarudza vedzinza rokwaEfuremu, |
|
| 68 |
|
| asi paakasarudza vedzinza rokwaJudha veGomo reZioni raanoda, |
|
| 69 |
|
| akavaka ipapo nzvimbo yake inoera, nhunga makore chaiyo ikaita senyika yaakadzika pasichigare. |
|
| 70 |
|
| Akasarudza Dhavhidhi muranda wake akamutora kumatanga ehwai. |
|
| 71 |
|
| Akamubvisa mukufudza nhunzvi dzaiva navana, kuti ave mufudzi wevokwaJakobho vanhu vake Isiraeri, nhaka yake. |
|
| 72 |
|
| Akavafudza nemwoyo uri pachokwadi akavatungamirira nouchenjeri. |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | | 24 | | 25 | | 26 | | 27 | | 28 | | 29 | | 30 | | 31 | | 32 | | 33 | | 34 | | 35 | | 36 | | 37 | | 38 | | 39 | | 40 | | 41 | | 42 | | 43 | | 44 | | 45 | | 46 | | 47 | | 48 | | 49 | | 50 | | 51 | | 52 | | 53 | | 54 | | 55 | | 56 | | 57 | | 58 | | 59 | | 60 | | 61 | | 62 | | 63 | | 64 | | 65 | | 66 | | 67 | | 68 | | 69 | | 70 | | 71 | | 72 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/078.mp3
150
78