Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Ukuru ukuru hwezita raMwari nechiremera chomunhu TENZI Mwari wedu hakusi kukura ikoko kwakaita zita renyu pasi pose zvapo. Imi mune mbiri inorumbidzwa kumusoro kwamatenga |
| 2 |
| nemiromo yavacheche neyepwere, makaisa chokuzvidzivirira nacho kumhandu dzenyu, kudzimura vavengi navatsividzi. |
| 3 |
| Ndikati tarisei zvangu kumatenga enyu, amakaita neminwe yenyu, mwedzi nenyenyedzi zvamakaisamo? Ndinoti: |
| 4 |
| “Munhu chiiwo zvake wamunorangarira, iye munhuwo zvake wamunochengeta |
| 5 |
| asi imi makatoita kuti munhu asiye paduku duku kuti ave saMwari. Muchimupa chiremba chembiri norukudzo. |
| 6 |
| Makaita kuti ave ndiye anotonga mabasa amaoko enyu, mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake, |
| 7 |
| zvose: hwai nemombe uyewo mhuka dzomusango |
| 8 |
| neshiri dzedenga nehove dzegungwa dzinofamba nomunzira dzomugungwa. |
| 9 |
| TENZI Mwari wedu hakusi kukura ikoko kwakaita zita renyu.” |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/008.mp3
150
8