Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Kukumbira Mwari kuti vavengi veIsiraeri vakundwe Mwari regai kunyarara, regai kungoti zii-i kudaro, Mwari kana kuramba makangoti zirikiti kunyarara. |
| 2 |
| Tarisai muone kuti vavengi venyu vari kuita bongozozo, vanokuvengai vari kusimudza musoro. |
| 3 |
| Vanoita mazano omuchivande, okurwisa vanhu venyu, vanorangana pachavo vanhu vamunochengetedza. |
| 4 |
| Vanoti, “Ngativatsvairei rudzi rwose, zita reIsiraeri rirege kuzomboyeukwazve.” |
| 5 |
| Vanobva vaita rimwe, kubatana kwazvo vachiita chitsidzirano chokurwisa imi |
| 6 |
| pamwechete nevemba yokwaEdhomu nevemba yokwaIshimaeri nevekwaMoabhu nevokwaHagari |
| 7 |
| nevekwaGebhari, nevekwaAmoni nevekwaAmareki, nevechiFirisitia navagari vokuTire. |
| 8 |
| VaAsiria vabatanawo navo ndivo vabatsiri vakuru nevokwaRoti. Dzepfunde. |
| 9 |
| Vaitei sezvamakaita vaMidhia kana zvamakaita Sisera naJabhini kurwizi rweKishoni. |
| 10 |
| Vakaparadzwa kuEndori, vakave mupfudze wevhu. |
| 11 |
| Itai kumakurukota avo sezvamakaita kuna Orebhu naZeebhu; machinda avo ose sezvakaita Zebha naZarimuna |
| 12 |
| vakati, “Ngatizvitorerei zvedu mafuro aMwari.” |
| 13 |
| Mwari wangu vaitei sohuruva yechamupupuri sehundi inopupurutswa nemhepo. |
| 14 |
| Sokupisa kunoita moto sango sezvinoita rimi rinoririmisa makomo, |
| 15 |
| saizvozvo varondei nedutu renyu muvatyisidzire nemhepo ine simba. |
| 16 |
| Vadonhedzei uso nenyadzi kuti vatsvake zita renyu TENZI. |
| 17 |
| Ngavanyadziswe vanyare nokusingaperi ngavaparadzwe zvinonyadzisa. |
| 18 |
| Ngavazive kuti imi moga, mune zita rokuti Yahweh ndimi Mukurukuru pasi pose. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/083.mp3
150
83