Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere; Regai kuramba musingatauri, musanyarara Mwari. |
| 2 |
| Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo. |
| 3 |
| Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu, Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi. |
| 4 |
| Vakati, “Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi; Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa.” |
| 5 |
| Nokuti vakarangana nomwoyo mumwe; Vanoita sungano kuzorwa nemi. |
| 6 |
| Matende aEdhomu navaIshimaeri; Moabhu navaHagari; |
| 7 |
| Gebhari, naAmoni, naAmareki; Firisitia pamwechete navagere Taya; |
| 8 |
| Asiriawo wakasangana navo; Vakabatsira vana vaRoti. |
| 9 |
| Muvaitire sezvamakaitira Midhiani; NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni; |
| 10 |
| Ivo vakaparadzwa paEndori; Vakava mupfudze wapasi. |
| 11 |
| Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi; Zvirokwazvo, machinda avo ose saZebha naZarimuna; |
| 12 |
| Ivo vakati, “Ngatizvitorere Ugaro hwaMwari huve hwedu.” |
| 13 |
| Mwari wangu, muvaite seguruva rinondeyeswa nemhepo; Samakoto anodzingwa nemhepo. |
| 14 |
| Somoto unopisa dondo, Somurazvo womoto unopisa makomo; |
| 15 |
| Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo, Muvavhunduse nechamupupuri chenyu. |
| 16 |
| Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa; Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha. |
| 17 |
| Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi; Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe; |
| 18 |
| Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, Ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/083.mp3
150
83