×

Bhaibhiri Idzva 2008

Mapisarema 85

1
Kunamatira nyika kuti ive norugare noruenzaniso Mwari makafadzwa nenyika yenyu, makadzorera vokwaJakobho zvavakangavari.
2
Makaregerera vanhu venyu uipi hwavo mukavakanganwira zvivi zvavo zvose. Dzepfunde
3
Makazvipodza kuhasha dzenyu dzose mukazvidzora pakushatirwa kwenyu kwakanyanya.
4
Tiiteiwo zvatanga takaita kare, Mwari mununuri wedu chiregai kuva nehasha nesu.
5
Mucharamba makatishatirirwa narini here? Mucharebesa hasha dzenyu kuzvizvarwa zvose here?
6
Hamuchatimutsiridzazve here kuti vanhu venyu vafare nemi?
7
Tiitireiwo mwoyochena, TENZI mutiponesewo.
8
Ndichanzwa zvichataurwa naTENZI Mwari nokuti achataura zvorugare kuvanhu vake, kuna vatsvene vake. Dai vakangorega zvavo kupindukira kuupenzi.
9
Hongu ruponeso rwake rwuri padyo kuna vanomutya; mbiri yokuvapo kwake ichagara munyika medu.
10
Mwoyochena nokutendeka zvichasangana, ururami norugare zvichambundirana.
11
Kutendeka kuchakura kuchibva pasi; ururami huchatarisa pasi huri kudenga.
12
TENZI achapawo zvakanaka; nyika yedu ichaberekawo zvakawanda.
13
Ururami huchatungamira pamberi pake huchimugadzirira paanozofamba napo.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa