Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Jehovha, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakobho pakutapwa. |
| 2 |
| Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, Makafukidza zvivi zvavo zvose. |
| 3 |
| Makabvisa kutsamwa kwenyu kwose; Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya. |
| 4 |
| Tidzosei, Mwari muponesi wedu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri. |
| 5 |
| Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi? Muchasvitsa kutsamwa kwenyu kumarudzi namarudzi here? |
| 6 |
| Imi hamungatiraramisizve here, Kuti vanhu venyu vafare nemi? |
| 7 |
| Tiratidzei ngoni dzenyu, Jehovha, Mutipe ruponeso rwenyu. |
| 8 |
| Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; Nokuti achataura rugare kuvanhu vake, nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi. |
| 9 |
| Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedyo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu. |
| 10 |
| Ngoni nezvokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana. |
| 11 |
| Zvokwadi zvinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga. |
| 12 |
| Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo. |
| 13 |
| Kururama kuchamutungamirira; Kuchagadzirira tsoka dzake nzira. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/085.mp3
150
85