Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Masikiri raEtani muErahi. [1] Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi; ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kumarudzi namarudzi. |
| 2 |
| Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi, uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko. |
| 3 |
| Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti, |
| 4 |
| ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kumarudzi namarudzi.’ ” Sera |
| 5 |
| Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha, kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene. |
| 6 |
| Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga? |
| 7 |
| Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza. |
| 8 |
| Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai. |
| 9 |
| Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza. |
| 10 |
| Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba. |
| 11 |
| Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi. |
| 12 |
| Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro. |
| 13 |
| Ruoko rwenyu rwakazara nesimba; chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa. |
| 14 |
| Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; rudo nokutendeka zvinokutungamirirai. |
| 15 |
| Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai, vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha. |
| 16 |
| Vanofara muzita renyu zuva rose; vanofara mukururama kwenyu. |
| 17 |
| Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo, uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu. |
| 18 |
| Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha, mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri. |
| 19 |
| Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu. |
| 20 |
| Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene. |
| 21 |
| Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa. |
| 22 |
| Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira. |
| 23 |
| Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake. |
| 24 |
| Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu. |
| 25 |
| Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi. |
| 26 |
| Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’ |
| 27 |
| Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika. |
| 28 |
| Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi. |
| 29 |
| Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, chigaro chake choushe chero matenga achingovapo. |
| 30 |
| “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema, |
| 31 |
| kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu, |
| 32 |
| ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru; |
| 33 |
| asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu. |
| 34 |
| Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu. |
| 35 |
| Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi, |
| 36 |
| kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva; |
| 37 |
| chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera |
| 38 |
| Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu. |
| 39 |
| Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva. |
| 40 |
| Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo. |
| 41 |
| Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake. |
| 42 |
| Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare. |
| 43 |
| Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa. |
| 44 |
| Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe. |
| 45 |
| Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera |
| 46 |
| Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko? |
| 47 |
| Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo! |
| 48 |
| Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera |
| 49 |
| Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare ruripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi? |
| 50 |
| Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose, |
| 51 |
| kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu. |
| 52 |
| Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi! Ameni naAmeni. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/089.mp3
150
89