|
| 1 |
|
| Rumbo rwenyika kana yapinda nhamo Ndichaimba ndichirumbidza mwoyochena wenyu nokusingaperi, TENZI, nomuromo wangu ndichaparidza kutendeka kwenyu kwezvizvarwa zvose. |
|
| 2 |
|
| Nokuti mwoyochena wenyu uripo nokusingaperi. Kutendeka kwenyu kwakasimba samatenga. |
|
| 3 |
|
| Makati: “Ndakaita chitenderano changu newandakasarudza. Ndakatsidza kuna Dhavhidhi muranda wangu ndichiti, |
|
| 4 |
|
| ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zvivepo nokusingaperi ndigosimbisa chigaro chako choumambo pazvizvarwa zvose.’ ” Dzepfunde. |
|
| 5 |
|
| Matenga anorumbidza zvinoshamisa zvenyu TENZI uye kutendeka kwenyu mugungano ravakarurama. |
|
| 6 |
|
| Ndiani mudenga'mu angaenzaniswe nemi TENZI? Ndiani pakati pavana vamwari angaenzaniswe naTENZI, |
|
| 7 |
|
| Mwari anodederesa kune ungano yavatsvene. |
|
| 8 |
|
| TENZI Mwari wehondo nehondo ndiani ane simba semi, TENZI nokutendeka kwenyu uku muna zvose. |
|
| 9 |
|
| Imi munotonga kusimuka kwamasaisai, kana osimuka munoanyaradza. |
|
| 10 |
|
| Imi makapwanya Rahabhu sechitunha, makaparadza mhandu dzenyu nesimba roruoko rwenyu. |
|
| 11 |
|
| Denga nderenyu pasiwo ndepenyu, nyika nazvose zvirimo, ndimi makazvisika. |
|
| 12 |
|
| Kuchamhembe nokumaodzanyemba ndimi makakusika. Gomo reTabhori nereHeremoni anokurumbidzai norufaro. |
|
| 13 |
|
| Muno ruoko rune simba chanza chenyu chakasimba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa pamusoro. |
|
| 14 |
|
| Ururami noruenzaniso ndihwo hwaro hwechigaro chenyu chokutonga munotungamidza mwoyochena nokutendeka. |
|
| 15 |
|
| Vakakomborerwa zvavo vanoziva kupururudza vachifara, vanofamba muchiedza chokuvapo kwenyu TENZI, |
|
| 16 |
|
| vanofara nezita renyu zuva rose uye vanorumbidza ururami hwenyu. |
|
| 17 |
|
| Ndimi simba ravanoinzva naro; inyasha dzenyu kuti simba redu ribudirire. |
|
| 18 |
|
| Nhowo yedu iri mumaoko aTENZI, mambo wedu ari mumaoko omutsvene waIsiraeri. |
|
| 19 |
|
| Makazotaura ipapo muchioneso kune munhu wenyu wakatendeka muchiti, “Ndakapa rubatsiro rwangu kugamba, ndakasimudzira pamusoro mumwe wandakasarudza muvanhu. |
|
| 20 |
|
| Wandakawana wacho ndiDhavhidhi, muranda wangu. Ndakamuzodza namafuta angu anoera, |
|
| 21 |
|
| zvokuti simba rechanza changu richagara maari, simba roruoko rwangu richamusimbisa. |
|
| 22 |
|
| Hapana muvengi achamukunda, vakaipa havachazomukurira. |
|
| 23 |
|
| Ndichafanopwanya mhandu dzake ndichiuraya vanomuvenga. |
|
| 24 |
|
| “Ndichatendeka kwaari uye ndichamuitira mwoyochena, pamusana pezita rangu simba rake richabudirira. |
|
| 25 |
|
| Ndichaisa gungwa mumaoko ake uye nzizi dzichava muchanza chake chorudyi. |
|
| 26 |
|
| Achandidana kuti, ‘Imi baba vangu. Mwari wangu nedombo rangu randinopona naro.’ |
|
| 27 |
|
| Ndichamuita dangwe rangu nomukuru wamadzimambo apasi. |
|
| 28 |
|
| “Ndicharamba ndiine mwoyochena kwaari nokusingaperi. Chitenderano changu naye chicharamba chakasimba. |
|
| 29 |
|
| Ndichaita kuti vedzinza rake, vokutonga, varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo sedenga. |
|
| 30 |
|
| “Kana vana vake vakakanda pasi mutemo wangu vakarega kutevera zvandinoronga, |
|
| 31 |
|
| Kana kuti vakarega kuchengeta zvirevo zvangu, uye vakatyora mirao yangu, |
|
| 32 |
|
| ndichavarangira chitadzo chavo neshamhu uye uipi hwavo netsarapu. |
|
| 33 |
|
| Asi handiregi kuva nemwoyochena kana kusava ndakatendeka kwavari. |
|
| 34 |
|
| Handimbotyora chitenderano changu kana kusandura zvandakataura. |
|
| 35 |
|
| “Ndakapika noutsvene hwangu chakamwe pasina zvokurevera Dhavhidhi nhema. |
|
| 36 |
|
| Ndichaita kuti vedzinza rake vokutonga varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo chero zuva richiri kuvheneka pamberi pangu. |
|
| 37 |
|
| Chichavapo semwedzi nokusingaperi mboo yakatendeka iri mudenga.” Dzepfunde. |
|
| 38 |
|
| Asi imi makasiya muzodzwa wenyu mukamuramba uye makamushatirirwa. |
|
| 39 |
|
| Makaramwa chitenderano chenyu nomuranda wenyu makaumburudza ngundu yamambo muvhu. |
|
| 40 |
|
| Makapaza tsvingo dzake dzose makaparadza nhare dzake dzokuzvidzivirira nadzo muhondo kusara ava matongo. |
|
| 41 |
|
| Vose vanopfuura napaari vanopamba zvinhu zvake. Ava chiseko chavavakidzani vake. |
|
| 42 |
|
| Makaratidza kuti vavengi vake vakunda nokusimudza ruoko rwavo rworudyi; mukaita kuti mhandu dzake dzifare. |
|
| 43 |
|
| Makamininutsa bakatwa rake mukaita kuti akurirwe muhondo. |
|
| 44 |
|
| Makamutorera mumaoko tsvimbo yake youmambo; makaputsira pasi chigaro chake choumambo. |
|
| 45 |
|
| Makamuchembedza nokukasira, makamuzadza nenyadzi. Dzepfunde |
|
| 46 |
|
| Kusvikira rinhiko nhai TENZI? Mucharamba makazvivanza nokusingaperi here? Kusvika riniko hasha dzenyu dzichiviruka somoto kudai? |
|
| 47 |
|
| Yeukai kupfupika kwakaita upenyu hwangu chamakasikira munhu unobva wachishaya. |
|
| 48 |
|
| Ndiani angararame asingazosvika pakufa. Ndiani angazviponese kusimba renzvimbo yavakafa. Dzepfunde. |
|
| 49 |
|
| Nhai, TENZI, ko mwoyochena wenyu uya wakare uripi wamakambotsidza kuna Dhavhidhi pamusana pokutendeka kwenyu? |
|
| 50 |
|
| Rangarirai TENZI kushorwa kunoitwa muranda wenyu nokutakura kwandinoita mumwoyo mangu kushorwa ikoko kunobva kuvanhu vakawanda |
|
| 51 |
|
| kuchiitwa nemhandu dzenyu TENZI dzichishora muzodzwa wenyu pose paanofamba. |
|
| 52 |
|
| TENZI ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni, Ameni. |
|
|
|
|