|
| 1 |
|
| Kutenda Mwari ruenzaniso rwake Ndinotenda TENZI nomwoyo wangu wose. Ndichaparidza mabasa enyu anoshamisa; |
|
| 2 |
|
| ndichafara nokupembera mamuri. Ndicharumbidza zita renyu imi Wokumusorosoro. |
|
| 3 |
|
| Kana mhandu dzangu dzopishinuka kudzoka, dzinodzadzarika dzoparara, mberi kwenyu. |
|
| 4 |
|
| Nokuti makandirwira pane zvandinokodzera nezvandinochemera, makagara pachigaro chenyu chokutonga muchitonga zvakarurama. |
|
| 5 |
|
| Makapa vechirudzi mhosva mukaparadza vakaipa, makadzimawo zita ravo narini narini. |
|
| 6 |
|
| Vavengi vakatsvairwa; vava matongo nokusingaperi. Maguta avo angove matongo zvokurangarirwa havachamborangarirwa. |
|
| 7 |
|
| TENZI anogara pachigaro chake chokutonga nokusingaperi, akadzika chigaro chake choumambo kuti atonge. |
|
| 8 |
|
| Uye, anotonga pasi pose zvakarurama anotongawo marudzi avanhu pachokwadi. |
|
| 9 |
|
| TENZI ndiye nzvimbo yokupotera yavanhu vanodzvinyirirwa ndiye nzvimbo yokupotera panguva yenhamo. |
|
| 10 |
|
| Vanoziva zita renyu vanovimba nemi nokuti imi TENZI hamufuratiri vanokutsvakai. |
|
| 11 |
|
| Pururudzirai TENZI anogara muZioni. Paridzirai vanhu zviito zvake. |
|
| 12 |
|
| Nokuti, iye, anotsividza ropa radeurwa, anovayeuka. Haakanganwi kuchema kwavari munhamo. |
|
| 13 |
|
| Ndinzwireiwo tsitsi TENZI. Tarisai muone zvandinotambudzwa nazvo navanondivenga. Imi munonditakanura pamuromo worufu |
|
| 14 |
|
| kuti ndiparidze mbiri yenyu uye kuti pamisuo yomukunda, guta reZioni, ndifarire ruponeso rwenyu. |
|
| 15 |
|
| Marudzi akawira mugomba ravakazvicherera vakabatwa gumbo mumambure avakaviga ivo pachavo. |
|
| 16 |
|
| TENZI anozviratidza agotonga, vakaipa vachiteiwa nezvavanoita namaoko avo. Moimbira pasi, Dzepfunde |
|
| 17 |
|
| Vakaipa vachadzokera kunzvimbo yavakafa. Marudzi ose anokanganwa Mwari. |
|
| 18 |
|
| Varombo havachakanganwiki nokusingaperi; chitarisiro chavatamburi hachiparari zvachose. |
|
| 19 |
|
| Simukai TENZI, musakundwe nomunhu; vechirudzi ngavatongwe pamberi penyu. |
|
| 20 |
|
| Vatyisei TENZI, marudzi azive kuti vanongova vanhu. Dzepfunde. |
|
|
|
|