|
| 1 |
|
| Ndichavonga Jehovha nomwoyo wangu wose; Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa. |
|
| 2 |
|
| Ndichafara nokukufarirai zvikuru; Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro. |
|
| 3 |
|
| Kana vavengi vangu vachidzokera shure, Vanogumburwa nokupera pamberi penyu. |
|
| 4 |
|
| Nokuti mandiruramisira mhosva yangu; Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama. |
|
| 5 |
|
| Makatuka vahedheni, makaparadza vakaipa, Makadzima zita ravo nokusingaperi–peri. |
|
| 6 |
|
| Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; Makaparadza maguta avo, Nechiyeudzo chawo chakaparara. |
|
| 7 |
|
| Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge. |
|
| 8 |
|
| Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira. |
|
| 9 |
|
| Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika. |
|
| 10 |
|
| Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; Nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai. |
|
| 11 |
|
| Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye agere paZioni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu. |
|
| 12 |
|
| Nokuti iye, anotsiva ropa, anovarangarira; Haakanganwi kuchema kwavarombo. |
|
| 13 |
|
| Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga, Imi munondisimudza pamisuwo yorufu; |
|
| 14 |
|
| Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; Pamisuwo yomukunda weZioni, Ndichafarira kuponesa kwenyu. |
|
| 15 |
|
| Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera; Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza. |
|
| 16 |
|
| Jehovha akazvizivisa, akatonga; Akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake. |
|
| 17 |
|
| Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakanganwa Mwari. |
|
| 18 |
|
| Nokuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi. |
|
| 19 |
|
| Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu. |
|
| 20 |
|
| Chivatyisai, Jehovha; Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu. |
|
|
|
|