Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Ishe, makanga muri ugaro hwedu Pamarudzi namarudzi. |
| 2 |
| Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari. |
| 3 |
| Munodzosera munhu kuguruva; Muchiti, “Dzokai vana vavanhu.” |
| 4 |
| Nokuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku. |
| 5 |
| Munovakukura semvura zhinji; vava sehope; Mangwanani vakaita souswa hunomera. |
| 6 |
| Mangwanani hunotumbuka, hunomera; Madekwana hunodzurwa, ndokusvava. |
| 7 |
| Nokuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu, Tinotambudzika nehasha dzenyu. |
| 8 |
| Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu. |
| 9 |
| Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; Makore edu anopera sorungano. |
| 10 |
| Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyangwe achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare–gare aenda, nesu tabhururuka taenda. |
| 11 |
| Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu, Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here? |
| 12 |
| Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, Kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera. |
| 13 |
| Dzokai Jehovha; kusvikira rinhiko? Muzvidembe pamusoro pavaranda venyu. |
| 14 |
| Tigutsei mangwanani nengoni dzenyu; Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose. |
| 15 |
| Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, Namakore atakaona zvakaipa. |
| 16 |
| Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu, Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo. |
| 17 |
| Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; Mutisimbisire basa ramaoko edu; Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/090.mp3
150
90