Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Munhu anogara mudumba roWokumusorosoro, anogara mumumvuri waSamasimbaose, |
| 2 |
| anogona kuti kuna TENZI, “Ndimi diziro rangu nhare.” |
| 3 |
| Nokuti achakununura kumunhu anokuteya zvakaipa uye kudenda rinoparadza. |
| 4 |
| Achakufukidza neminhenga yake uchiwana pokuhwanda mumapapiro ake. Kutendeka kwake inhowo yakatenderedza. |
| 5 |
| Zvinotyisa zvousiku hauzozvitya kana museve unokandwa masikati. |
| 6 |
| Kana mharadzi dzinofamba murima, nyange zvinoparadza masikati machena. |
| 7 |
| Kurutivi rwako kungawire zvako churu kurudyi kwako kugowira gumi rezviuru asi iwe hapana chinokusvika. |
| 8 |
| Uchangozvitarisawo nameso kuti uone mubayiro wavakaipa. |
| 9 |
| Nokuti unenge wati TENZI ndiye mudziviriri wangu waita musha wako muna Wokumusorosoro. |
| 10 |
| Hapana chakaipa chinokuwira kana denda rinosvikawo pamusha pako. |
| 11 |
| Nokuti achapa vatumwa vake basa rokukuchengeta panzira dzako dzose. |
| 12 |
| Vachakubata mumaoko kuti urege kugumbura tsoka yako pabwe. |
| 13 |
| Uchatsika zvako pamusoro peshumba nechiva. Shumba, ino chaiyo, yechidiki nenyoka, uchazvitsika-tsika pasi petsoka dzako. |
| 14 |
| Pamusana pokuti anoita chiname neni ndichamununura norudo. Ndichamudzivirira nokuti anoziva zita rangu. |
| 15 |
| Akadana kwandiri ndichamupindura; ndichava naye munhamo; ndichamununura ndichimuremekedza. |
| 16 |
| Ndichamugutsa noupenyu hurefu ndigoita kuti aone ruponeso rwangu. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/091.mp3
150
91