Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Uyo agere panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose. |
| 2 |
| Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.” |
| 3 |
| Nokuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napachirwere chinouraya zvikuru. |
| 4 |
| Iye achakufukidza nemhinenga yake, Uchatizira pasi pamapapiro ake; Zvokwadi yake inhoo huru neduku. |
| 5 |
| Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati; |
| 6 |
| Kana chirwere chinofamba murima, Kana kuparadza kunouraya masikati. |
| 7 |
| Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, Nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; Asi hazvingaswederi kwauri. |
| 8 |
| Uchangozvitarira hako nameso ako, Ukaona mubairo wavakaipa. |
| 9 |
| Nokuti imi Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wokumusorosoro ugaro hwako. |
| 10 |
| Hapana chakaipa chingakuwira, Uye hapana chirwere chichaswedera patende rako. |
| 11 |
| Nokuti iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Kuti vakuchengete panzira dzako dzose. |
| 12 |
| Vachakusimudza pamaoko avo, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe. |
| 13 |
| Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; Mwana weshumba nenyoka uchazvitsikirira pasi. |
| 14 |
| “Zvaakandida, ndichamurwira; Ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu. |
| 15 |
| Iye achadana kwandiri, ndichamupindura; Ini ndichava naye pakutambudzika; Ndichamurwira, nokumukudza. |
| 16 |
| Ndichamugutsa noupenyu hurefu, Nokumuratidza ruponeso rwangu.” |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/091.mp3
150
91