Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Pisarema. Rwiyo rweSabata. [1] Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro, |
| 2 |
| kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku, |
| 3 |
| nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira. |
| 4 |
| Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu. |
| 5 |
| Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei! |
| 6 |
| Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi, |
| 7 |
| kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi. |
| 8 |
| Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi. |
| 9 |
| Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa. |
| 10 |
| Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu. |
| 11 |
| Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa. |
| 12 |
| Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni; |
| 13 |
| wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu. |
| 14 |
| Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva. |
| 15 |
| Vachiparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/092.mp3
150
92