|
| 1 |
|
| Jehovha, Mwari mutsivi, imwi Mwari mutsivi, penyai. |
|
| 2 |
|
| Zvisimudzei, imwi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira. |
|
| 3 |
|
| Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhiko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhi? |
|
| 4 |
|
| Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi. |
|
| 5 |
|
| Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu. |
|
| 6 |
|
| Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya. |
|
| 7 |
|
| Vachiti, "Jehovha haazvioni, Mwari waJakobho haazvirangariri." |
|
| 8 |
|
| Rangarirai imwi vasina njere pakati pavanhu; nemwi mapenzi, muchava vakachenjera rinhiko? |
|
| 9 |
|
| Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here? |
|
| 10 |
|
| Iye,anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo? |
|
| 11 |
|
| Jehovha anoziva kufunga kwavanhu,) Kuti hazvina maturo. |
|
| 12 |
|
| Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha, lye wamunodzidzisa pamurayiro wenyu; |
|
| 13 |
|
| Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika, Kusvikira vakaipa vachererwa gomba. |
|
| 14 |
|
| Nokuti Jehovha haangarashi vanhu vake, Uye haangasiyi nhaka yake. |
|
| 15 |
|
| Nokuti kutonga kuchadzokera kukururama; Vose vane moyo yakarurama vachakutevera. |
|
| 16 |
|
| Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa? Ndianiko achandibatsira panavanoita zvakaipa? |
|
| 17 |
|
| Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu, Mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii. |
|
| 18 |
|
| Panguva yandakati, "Rutsoka rwangu rwotedzemuka," Ngoni dzenyu,Jehovha, dzakanditsigira. |
|
| 19 |
|
| Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu. |
|
| 20 |
|
| Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemwi here, Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho? |
|
| 21 |
|
| Vanounganira upenyu hwowakarurama, Vachipa mhosva ropa risina mhosva. |
|
| 22 |
|
| Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba; Mwari wangu idombo routiziro hwangu. |
|
| 23 |
|
| Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo, Achavaparadza pakati pokuita kwavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza. |
|
|
|
|