×

Shona SUB Bible 2002

Mapisarema 95

1
Uyai, tiimbire Jehovha; Ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu.
2
Ngatisvike pamberi pake tichivonga, Ngatimupururudzei namapisarema,
3
Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, Mambo mukuru anokunda vamwari vose.
4
Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo.
5
Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma.
6
Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu.
7
Nokuti ndiye Mwari wedu, Isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake. Nhasi dai muchinzwa henyu izwi rake!
8
“Regai kuomesa mwoyo yenyu sapaMeribha, Sapazuva reMasa murenje;
9
Panguva yandakaidzwa namadzibaba enyu, Vakandiidza, vakaona zvandakaita.
10
Ndakanga ndine shungu pamusoro porudzi urwo makore makumi mana, Ndikati, ‘Ndivanhu vakarasika pamwoyo yavo, Havana kuziva nzira dzangu;’
11
Saka ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa