Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, nyika yose. |
| 2 |
| Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. |
| 3 |
| Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi. |
| 4 |
| Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. |
| 5 |
| Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga. |
| 6 |
| Kubwinya noumambo zviri pamberi pake; simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene. |
| 7 |
| Remekedzai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha. |
| 8 |
| Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake. |
| 9 |
| Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose. |
| 10 |
| Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.” Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi; uye achatonga marudzi nokururama. |
| 11 |
| Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri; |
| 12 |
| masango ngaafare, nezvose zviri maari. Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro. |
| 13 |
| ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika nokururama, uye vanhu nechokwadi chake. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/096.mp3
150
96