Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare. |
| 2 |
| Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe. |
| 3 |
| Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose. |
| 4 |
| Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera. |
| 5 |
| Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose. |
| 6 |
| Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake. |
| 7 |
| Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa, avo vanozvirumbidza nezvifananidzo, munamatei, imi vamwari vose! |
| 8 |
| Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha. |
| 9 |
| Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose; makasimudzirwa kupfuura vamwari vose. |
| 10 |
| Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa, nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka uye anovarwira muruoko rwowakaipa. |
| 11 |
| Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama, nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama. |
| 12 |
| Farai muna Jehovha, imi vakarurama, uye mukudze zita rake dzvene. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/097.mp3
150
97