Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| TENZI ndimambo vanhu vanodedera anogara pachigaro chake choushe, pakati pamakerubhi. Nyika inodengendeka. |
| 2 |
| TENZI mukuru muguta reZioni mukuru mukuru pavanhu vose. |
| 3 |
| Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa. Iye anoera. |
| 4 |
| Mambo wesimba munoda ruenzaniso. Imi makamisa nduramo. Ndimi makaita kuti muna Jakobho muve noruenzaniso noururami. |
| 5 |
| Rumbidzai TENZI Mwari wedu, mugwadamirei pachitambarariko chake. Iye anoera. |
| 6 |
| Mosesi naAroni vaiva vamwe vavapristi vake uye Samueri aiva mumwe wevaidana zita rake, vaidana kuna TENZI iye achivapindura. |
| 7 |
| Aitaura navo ari mugore, ivo vakachengeta mirao yake nemitemo yaakavapa. |
| 8 |
| Imi TENZI Mwari wedu maivapindura, maiva kwavari Mwari anoregerera asi muchiranga zvavainge vatadza. |
| 9 |
| Rumbidzai TENZI Mwari wedu mumunamate pagomo rake rinoera nokuti TENZI Mwari wedu anoera. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/099.mp3
150
99