×

Shona SUB Bible 2002

Mapisarema 99

1
Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde; Iye agere pakati pamakerubhi; nyika ngaizununguswe.
2
Jehovha mukuru paZioni; Ari kumusoro–soro kwavanhu vose.
3
Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutsvene.
4
Simba ramambo rinodawo kururamisa; Imi munosimbisa kururama, Munotonga muchiruramisa pakati paJakobho.
5
Kudzai Jehovha Mwari wedu, Munamate pachitsiko chetsoka dzake; Ndiye Mutsvene.
6
Mosesi naAroni pakati pavapristi vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.
7
Akataura navo ari mushongwe yegore; Vakachengeta zvipupuriro zvake nomutemo waakavapa.
8
Makavapindura, Jehovha Mwari wedu; Maiva Mwari aivakanganwira, Kunyangwe makatsiva zvavaiita.
9
Kudzai Jehovha Mwari wedu, Namatai pagomo rake dzvene; Nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa