Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakanga vaenda Ijipiti: mumwe nomumwe akaenda naJakobho ana veimba yake: |
| 2 |
| Rubheni, naSimeoni, naRevhi, naJudha, |
| 3 |
| naIsakari, naZebhuruni, naBhenjamini, |
| 4 |
| naDhani, naNafutari, naGadhi, naAsheri. |
| 5 |
| Zvino vanhu vose vakanga vabva muchiuno chaJakobho vakanga vari vanhu vana makumi manomwe; asi Josefa akanga atova Ijipiti. |
| 6 |
| Zvino Josefa akafa, navana vababa vake vose, navose vakanga vane zero navo. |
| 7 |
| Vana vaIsiraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; nyika yakanga izere navo. |
| 8 |
| Zvino paIjipiti pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa. |
| 9 |
| Iye akati kuvanhu vake, “Tarirai, vanhu ava, vana vaIsiraeri, vanotipfuura isu pakuwanda nesimba; |
| 10 |
| uyai, ngativafungire zano, varege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, ivo vangabatsirana navavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino.” |
| 11 |
| Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta ana matura, Pitomi naRamesesi. |
| 12 |
| Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda kwazvo, vachingopararira. Vakaora mwoyo nokuda kwavana vaIsiraeri. |
| 13 |
| VaIjipiti vakavabatisa zvinorema; |
| 14 |
| vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamatope nezvitina, vachivabatisa zvinorema. |
| 15 |
| Zvino mambo weIjipiti akaudza madzimbuya avaHebheru, vainzi mumwe Shifura, mumwe Pua; |
| 16 |
| akati, “Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake.” |
| 17 |
| Asi madzimbuya akanga achitya Mwari, akasaita sezvaakarairwa namambo weIjipiti, asi vakarega vanakomana vari vapenyu havo. |
| 18 |
| Mambo weIjipiti akadana madzimbuya, akati kwavari, “Makaitireiko izvozvo, mukarega vanakomana vari vapenyu?” |
| 19 |
| Madzimbuya akati kuna Farao, “Nokuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaIjipiti, nokuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo.” |
| 20 |
| Naizvozvo Mwari akaitira madzimbuya zvakanaka, vanhu vakawanda kwazvo, vakava nesimba kwazvo. |
| 21 |
| Zvino madzimbuya zvaakanga achitya Mwari, iye akavapa mhuri. |
| 22 |
| Farao akaraira vanhu vake vose, akati, “Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/exodus/001.mp3
40
1