|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo; |
|
| 2 |
|
| kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.” |
|
| 3 |
|
| Zvino Mosesi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, ‘Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira riniko?’ Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate. |
|
| 4 |
|
| Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu; |
|
| 5 |
|
| dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda; |
|
| 6 |
|
| nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaIjipiti vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino.” Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao. |
|
| 7 |
|
| Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, “Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira riniko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?” |
|
| 8 |
|
| Zvino Mosesi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivananiko?” |
|
| 9 |
|
| Mosesi akati, “Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.” |
|
| 10 |
|
| Iye akati kwavari, “Jehovha ngaave nemi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imi nepwere dzenyu! Chenjerai, nokuti munenge munofunga zvakaipa. |
|
| 11 |
|
| Haisa! Imi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira.” Vakadzingwa pamberi paFarao. |
|
| 12 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.” |
|
| 13 |
|
| Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika yeIjipiti, Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu. |
|
| 14 |
|
| Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti; dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve. |
|
| 15 |
|
| Nokuti dzakafukidza nyika yoseyose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti. |
|
| 16 |
|
| Ipapo Farao akakurumidza kudana Mosesi naAroni, akati, “Ndatadzira Jehovha, Mwari wenyu, nemi. |
|
| 17 |
|
| Naizvozvo zvino ndikanganwirei zvivi zvangu nguva ino bedzi, mukumbire kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu bedzi.” |
|
| 18 |
|
| Akabuda pamberi paFarao, akandokumbira kuna Jehovha. |
|
| 19 |
|
| Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeIjipiti. |
|
| 20 |
|
| Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda. |
|
| 21 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, rima rivepo panyika yeIjipiti, rima ringaita seringabatwa namaoko.” |
|
| 22 |
|
| Mosesi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeIjipiti, rikaita mazuva matatu; |
|
| 23 |
|
| havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara. |
|
| 24 |
|
| Zvino Farao akadana Mosesi, akati, “Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi.” |
|
| 25 |
|
| Mosesi akati, “Munofanira kutipawo mumaoko edu zvokubayira nezvipiriso zvokupisa zvatingandobayira Jehovha Mwari wedu. |
|
| 26 |
|
| Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo.” |
|
| 27 |
|
| Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akaramba kuvatendera kuenda. |
|
| 28 |
|
| Zvino Farao akati kwaari, “Ibva pamberi pangu, chenjera kuti urege kuonazve chiso changu, nokuti nomusi waunoona chiso changu uchafa.” |
|
| 29 |
|
| Mosesi akati, “Mareva kwazvo, handichazooni chiso chenyuzve.” |
|
|
|
|