|
| 1 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo, |
|
| 2 |
|
| kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu mabatiro akaipa andakaitira vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.” |
|
| 3 |
|
| Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoti kwaari, “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, ‘Uchasvika riniko uchiramba kuzvininipisa pamberi pangu? Rega vanhu vangu vaende kuti vanondinamata. |
|
| 4 |
|
| Kana uchiramba kuvatendera kuenda, ini ndichauyisa mhashu munyika yako mangwana. |
|
| 5 |
|
| Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiya shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako. |
|
| 6 |
|
| Dzichazadza dzimba dzako nedzamachinda ako nedzavaIjipita vose, chinhu chisina kumboonekwa namadzibaba ako kana madzitateguru ako kubva pazuva ravakagara munyika ino kusvika zvino.’ ” Ipapo Mozisi akatendeuka akabva pana Faro. |
|
| 7 |
|
| Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?” |
|
| 8 |
|
| Ipapo Mozisi naAroni vakadzoswazve kuna Faro. Iye akati, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu. Asi vachaenda ndivanaaniko?” |
|
| 9 |
|
| Mozisi akapindura akati, “Tichaenda navaduku vedu uye navakuru, pamwe chete navanakomana vedu navanasikana vedu, uye namakwai edu nemombe dzedu, nokuti tinofanira kuita mutambo wokupemberera Jehovha.” |
|
| 10 |
|
| Faro akati, “Jehovha ngaave nemi, kana ndikakutenderai kuenda, pamwe chete navakadzi navana venyu! Zviri pachena kuti imi muri kuda kuita zvakaipa. |
|
| 11 |
|
| Kwete! Varume chete ngavaende; uye vandonamata Jehovha, sezvo zviri izvo zvamanga muchikumbira.” Ipapo Mozisi naAroni vakadzingwa pamberi paFaro. |
|
| 12 |
|
| Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.” |
|
| 13 |
|
| Saka Mozisi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro peIjipiti, uye Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute munyika zuva rose nousiku hwose. Mangwanani, mhepo yakanga yauyisa mhashu; |
|
| 14 |
|
| dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve. |
|
| 15 |
|
| Dzakafukidza pasi pose kusvikira pasviba kuti svi-i. Dzakadya zvose zvakanga zvasara shure kwechimvuramabwe, zvinhu zvose zvaimera muminda uye michero yaiva pamiti. Hakuna chakasvibirira chakasara mumiti kana zvirimwa zvomunyika yose yeIjipiti. |
|
| 16 |
|
| Faro akakurumidza kudana Mozisi naAroni akati, “Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye nemi. |
|
| 17 |
|
| Zvino ndiregerereizve chivi changu uye munyengetere kuna Jehovha Mwari wenyu kuti abvise kwandiri dambudziko rinouraya iri.” |
|
| 18 |
|
| Ipapo Mozisi akabva pana Faro uye akanyengetera kuna Jehovha. |
|
| 19 |
|
| Uye Jehovha akashandura mhepo ikava mhepo ine simba yokumavirira iyo ikasimudza mhashu ikadzikanda muGungwa Dzvuku. Hapana mhashu yakasara papi zvapo muIjipiti. |
|
| 20 |
|
| Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, uye akasatendera vaIsraeri kuti vaende. |
|
| 21 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti rima ripararire pamusoro peIjipiti, rima ringabatika.” |
|
| 22 |
|
| Saka Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, uye rima guru rakafukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. |
|
| 23 |
|
| Hapana aigona kuona mumwe munhu papi zvapo kana kubva panzvimbo yake kwamazuva matatu. Asi vaIsraeri vainge vane chiedza munzvimbo dzavaigara. |
|
| 24 |
|
| Ipapo Faro akadana Mozisi akati, “Endai mundonamata Jehovha. Kunyange vakadzi venyu navana vangaenda havo nemi; musiye chete makwai enyu nemombe.” |
|
| 25 |
|
| Asi Mozisi akati, “Munofanira kutitendera kuti tive nezvibayiro uye zvipirisio zvinopiswa kuti tipe kuna Jehovha Mwari wedu. |
|
| 26 |
|
| Zvipfuwo zvedu zvinofanira kuendawo nesu; hapana hwanda rinofanira kusara. Tinofanira kuzvishandisa zvimwe zvacho mukunamata Jehovha Mwari wedu, uye kusvikira tasvikako hatingazivi zvatingashandisa kuti tinamate Jehovha.” |
|
| 27 |
|
| Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, uye haana kuda kuvatendera kuti vaende. |
|
| 28 |
|
| Faro akati kuna Mozisi, “Ibvai pano! Chenjerai kuti murege kuzoonekwazve pamberi pangu! Musi wamuchaona chiso changu muchafa.” |
|
| 29 |
|
| Mozisi akapindura akati, “Sezvamareva, handichazoonekwizve pamberi penyu.” |
|
|
|
|