Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano. |
| 2 |
| Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kune wekwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kune wekwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.” |
| 3 |
| Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi paVaIjipiti. Naiye munhu uyu Mosesi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu. |
| 4 |
| Zvino Mosesi akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peIjipiti; |
| 5 |
| matangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vematangwe ezvipfuwo. |
| 6 |
| Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungavipozve.’ |
| 7 |
| Asi pakati pavana VaIsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati paVaIjipiti naVaIsiraeri. |
| 8 |
| Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, ‘Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda.’ ” Akabuda pamberi paFarao, akatsamwa kwazvo. |
| 9 |
| Jehovha akati kuna Mosesi, “Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeIjipiti.” |
| 10 |
| Mosesi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana VaIsiraeri kubva munyika yake. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/exodus/011.mp3
40
11