Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni munyika akati, |
| 2 |
| "Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, unofanira kuva mwedzi wokutanga wegore. |
| 3 |
| Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, `Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo. |
| 4 |
| Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya komumwe nomumwe. |
| 5 |
| Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi; |
| 6 |
| zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana. |
| 7 |
| Zvino ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatidziro maviri egonhi, napachivivo chokumusoro, padzimba pavacharidyira. |
| 8 |
| Vadye nyama yaro usiku ihwohwo, yakagochwa pamoto, nechingwa chisina kuviriswa; vaidye nemiriwo inovava. |
| 9 |
| Regai kuidya isina kuibva, kana yakabikwa nemvura, asi yakagochwa pamoto musoro waro namakumbo aro pamwechete noura hwaro. |
| 10 |
| Musasiya chimwe charo kusvikira mangwana; zvose zvaro zvinosara kusvikira mangwana muzvipise nomoto.' |
| 11 |
| Muridye kudai: Makasunga zviuno zvenyu, makapfeka shangu dzenyu patsoka dzenyu, makabata tsvimbo dzenyu mumaoko enyu; muridye muchikurumidza; iPasika yaJehovha. |
| 12 |
| "Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeIjipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeIjipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veIjipiti; ndini Jehovha. |
| 13 |
| Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere, kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeIjipiti. |
| 14 |
| Zuva iri richava chirangaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehovha mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uve murayiro nokusingaperi. |
| 15 |
| "Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri. |
| 16 |
| Nezuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene, uye nezuva rechinomwe ungano tsvenezve; namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi. |
| 17 |
| Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi. |
| 18 |
| Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, munofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana. |
| 19 |
| Mazuva manomwe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti ani naani, anodya zvakaviriswa anofanira kubviswa paungano yavaIsiraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu akaberekerwa munyika. |
| 20 |
| Regai kudya chinhu chakaviriswa; padzimba dzenyu dzose mudye zvingwa zvisina kuviriswa." |
| 21 |
| Zvino Mozisi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, "Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika. |
| 22 |
| Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze chivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwana. |
| 23 |
| Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei. |
| 24 |
| Chengeta chinhu ichocho, uve murayiro kwauri nokuvana vako nokusingaperi. |
| 25 |
| Zvino kana muchizosvika panyika yamuchapiwa naJehovha, sezvaakakupikirai, muchengete basa iri. |
| 26 |
| Zvino kana vana venyu vakati kwamuri, `Basa iri rinoti kudiniko?' |
| 27 |
| Muti kwavari, `Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu.' "Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata. |
| 28 |
| Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita. |
| 29 |
| Zvino pakati pousiku Jehovha akarova madangwe ose panyika kubva padangwe raFarao aizogara pachigaro chake choushe, kusvikira padangwe romusungwa akanga ari mutirongo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo. |
| 30 |
| Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru paIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa; |
| 31 |
| akadana Mozisi naAroni usiku, akati, "Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imwi navana vaIsiraeri, endai mundonamata Jehovha sezvamakataura. |
| 32 |
| Torai makwai enyu nemombe dzenyu, sezvamakataura, endai, neni mundiropafadzewo." |
| 33 |
| VaIjipiti vakakurudzira vanhu kwazvo, kuti vakurumidze kuvabudisa panyika, nokuti vakati, "Isu tofa tose!" |
| 34 |
| Vanhu vakatora mukanyiwa wavo, usati waviriswa, nemidziyo yavo yokukanyira yakaputirwa munguvo dzavo pamafudzi avo. |
| 35 |
| Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakaudzwa naMozisi, vakakumbira kuna vaIjipiti zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguvo. |
| 36 |
| Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti, vakavapa izvozvo zvavakakumbira; vakapedzera vaIjipiti. |
| 37 |
| Zvino vana vaIsiraeri vakabva Ramasesi, vakaenda Sukoti, vakanga vari varume vanofamba netsoka vane zviuru zvamazana zvitanhatu, vana vasingaverengwi. |
| 38 |
| Navanhu vazhinji vakanga vakavhengana vakaenda navo, namakwai nemombe, zviri zvipfuwo zvizhinji-zhinji. |
| 39 |
| Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo paIjipiti, nokuti wakanga usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muIjipiti, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva. |
| 40 |
| Zvino nguva yakagara vana vaIsiraeri muIjipiti akanga ari makore ana mazana mana namakumi matatu. |
| 41 |
| Pakupera kwamakore ana mazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehovha dzakabuda munyika yeIjipiti. |
| 42 |
| Usiku ihwohwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa panyika yeIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsiraeri vose namarudzi avo ose. |
| 43 |
| Jehovha akatiwo kuna Mozisi naAroni, "Murayiro wePasika ndiwo: Mutorwa ngaarege kuidya. |
| 44 |
| Asi muranda womunhu mumwe nomumwe akatengwa nemari, angaidya kana mamudzingisa. |
| 45 |
| Mutorwa kana muranda anoripirwa ngaarege kuidya. |
| 46 |
| Inofanira kudyirwa mumba mumwe; haufaniri kutora imwe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; uye musavhuna pfupa rayo. |
| 47 |
| Ungano yose yavaIsiraeri inofanira kuiita. |
| 48 |
| Kana mutorwa agere newe achida kuitira Jehovha Pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino afanana nomunhu akaberekerwa panyika; asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya. |
| 49 |
| Murayiro ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nokumutorwa agere pakati penyu." |
| 50 |
| Zvino vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita. |
| 51 |
| Nezuva iroro Jehovha akabudisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti nehondo dzavo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/exodus/012.mp3
40
12