Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni munyika yeEgipita, akati: |
| 2 |
| Mŋedzi uno unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga kwamuri, unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga wegore. |
| 3 |
| Taurai kuʋuŋgano yose yaʋaIsraeri, muti: Nomusi wegumi womŋedzi uno mumŋe nomumŋe ŋgaatore gwaiana, ʋaciʋereŋga dzimba dzamadziɓaɓa aʋo; mhuri imŋe neimŋe iʋe negwaiana rayo. |
| 4 |
| Kana mhuri iri ɗuku ʋasiŋgagoni kupedza gwaiana, iʋo naʋagere pedyo neimba yaʋo ŋgaʋatore rimŋe rinoriŋgana ʋanhu. Muriŋganise gwaiana pakudya kwomumŋe nomumŋe. |
| 5 |
| Gwaiana renyu ŋgarirege kuʋa necinhu cisakafanira, mukono wegore rimŋe; muritore pamakwai kana pambudzi; |
| 6 |
| ɀino muriceŋgete kuȿikira pazuʋa regumi namanna romŋedzi, ipapo ʋuŋgano yose yaʋanhu ʋose ʋaIsraeri ŋgaʋariʋuraye maɗekwana. |
| 7 |
| Ɀino ŋgaʋatore rimŋe ropa raro, ʋariise pamagwatidziro maʋiri egonhi, napaciʋiʋo cokumsoro, padzimba paʋacaridyira. |
| 8 |
| Ʋadye nyama yaro ʋusiku ubgo, yakagocwa pamŋoto, neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa; ʋaidye nemiriʋo inoʋaʋa. |
| 9 |
| Regai kuidya isanhi yaibva, kana yakaɓikwa nemvura, asi yakagocwa pamŋoto; musoro waro namakumbo aro pamŋe cete noʋura bgaro. |
| 10 |
| Musasiya cimŋe caro kuȿikira maŋgwana; ɀose ɀaro ɀinosara kuȿikira maŋgwana muɀipise nomŋoto. |
| 11 |
| Muridye kuɗai: Makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu, makapfeka shaŋgu dzenyu patsoka dzenyu, makaɓata tȿimbo dzenyu mumaʋoko enyu; muridye mucikurumidza; ipaseka yaJehova. |
| 12 |
| Nokuti noʋusiku ubgo ndicafamba napakati penyika yeEgipita, ndiciroʋa mataŋgwe ose aʋanhu panyika yeEgipita, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; ndicatoŋga ʋamŋari ʋose ʋeEgipita; ndini Jehova. |
| 13 |
| Asi ropa ricaʋa ciratidzo kwamuri padzimba mamugere; kana ndiciʋona ropa ndicakupfuʋurai, kuti ɗambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndiciroʋa nyika yeEgipita. |
| 14 |
| Zuʋa iri ricaʋa ciraŋgaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehova mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uʋe murairo nokusiŋgaperi. |
| 15 |
| Mudye ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; nezuʋa rokutaŋga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu unodya ciŋgwa cakaʋiriswa kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira pazuʋa recinomŋe ŋgaabviswe pakati paIsraeri. |
| 16 |
| Nezuʋa rokutaŋga munofanira kuita ungano tȿene, ʋuye nezuʋa recinomŋe ʋuŋgano tȿene ɀe; namazuʋa iwayo maɓasa ose ŋgaarege kuitwa, asi ɀinodyiwa nomunhu mumŋe nomumŋe ɀiŋgagadzirwa nemi, iɀoɀo ɓedzi. |
| 17 |
| Munofanira kutamba mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, nokuti ndiro zuʋa randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeEgipita; naiɀoɀo ceŋgetai zuʋa iro kuȿikira kumarudzi enyu ose, uʋe murairo nokusiŋgaperi. |
| 18 |
| Nomŋedzi wokutaŋga nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, munofanira kudya ɀingwa ɀisina‐kuʋiriswa kuȿikira pazuʋa ramakumi maʋiri nerimŋe romŋedzi maɗekwana. |
| 19 |
| Mazuʋa manomŋe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti aninani unodya ɀakaʋiriswa unofanira kubviswa paʋuŋgano yaʋaIsraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu wakaɓerekerwa munyika. |
| 20 |
| Regai kudya cinhu cakaʋiriswa; padzimba dzenyu dzose mudye ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. |
| 21 |
| Ɀino Mosesi akaɗana ʋakuru ʋose ʋaʋaIsraeri, akati kwaʋari: Endai mundotora makwaiana anoriŋgana mhuri dzenyu, muɓaye paseka. |
| 22 |
| Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze ciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuʋa nomumŋe wenyu unoɓuɗa pamukoʋa weimba yake kuȿikira maŋgwana. |
| 23 |
| Nokuti Jehova ucapfuʋura napakati penyika kuti aroʋe ʋaEgipita; kana akaʋona ropa paciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri, Jehova ucaɗarika mukoʋa uyo, haaŋgatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akuroʋei. |
| 24 |
| Ceŋgeta cinhu ico, uʋe murairo kwauri nokuʋana ʋako nokusiŋgaperi. |
| 25 |
| Ɀino kana mucizoȿika panyika yamucapiwa naJehova, seɀaakakupikirai, muceŋgete ɓasa iri. |
| 26 |
| Ɀino kana ʋana ʋenyu ʋakati kwamuri: Ƃasa iri rinoti kuɗiniko? |
| 27 |
| Muti kwaʋari: Ndico ciɓayiro cepaseka yaJehova, wakaɗarika dzimba dzaʋana ʋaIsraeri paEgipita nomusi waakaroʋa ʋaEgipita, akaponesa dzimba dzeɗu. Ipapo ʋanhu ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata. |
| 28 |
| Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi naAroni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita. |
| 29 |
| Ɀino pakati poʋusiku Jehova wakaroʋa mataŋgwe ose panyika yeEgipita, kubva paɗaŋgwe raFarao waizogara pacigaro cake coʋushe, kuȿikira paɗaŋgwe romusuŋgwa wakaŋga ari mutoroŋgo, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo. |
| 30 |
| Ɀino Farao akamuka ʋusiku, iye naʋaranda ʋake naʋaEgipita ʋose, kukaʋa nokucema kukuru paEgipita, nokuti kwakaŋga kusineimba musinawakafa; |
| 31 |
| akaɗana Mosesi naAroni ʋusiku, akati: Simukai, ibvai pakati paʋanhu ʋaŋgu, imi naʋana ʋaIsraeri: endai mundonamata Jehova seɀamakataura. |
| 32 |
| Torai makwai enyu neŋombe dzenyu, seɀamakataura, endai, neni mundiropafadze ʋo. |
| 33 |
| ƲaEgipita ʋakakurudzira ʋanhu kwaɀo, kuti ʋakurumidze kuʋaɓuɗisa panyika, nokuti ʋakati: Isu tofa tose! |
| 34 |
| Ʋanhu ʋakatora mukanyiwa waʋo, usati waʋiriswa, nemidziyo yaʋo yokukanyira yakaputirwa muŋguʋo dzaʋo pamafudzi aʋo. |
| 35 |
| Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakaʋudzwa naMosesi, ʋakakumbira kunaʋaEgipita ɀishoŋgo ɀesirveri, neɀishoŋgo ɀendarama, neŋguʋo. |
| 36 |
| Jehova akapa ʋanhu nyasha pamberi paʋaEgipita, ʋakaʋapa iɀoɀo ɀaʋakakumbira; ʋakapedzera ʋaEgipita. |
| 37 |
| Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakabva Ramesesi, ʋakaenda Sukoti, ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋanofamba netsoka ʋaneɀuru ɀamazana ɀitanhatu, ʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi. |
| 38 |
| Naʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaveŋgana ʋakaenda naʋo, namakwai neŋombe, ɀiri ɀipfuwo ɀizhinji‐zhinji. |
| 39 |
| Ʋakaɓika ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomukanyiwa waʋakaŋga ʋaɓuɗa nawo paEgipita, nokuti wakaŋga usinakuʋiriswa; nokuti ʋakadziŋgwa muEgipita, ʋakasagona kunonoka, ʋakasaɀigadzirira mbuʋa. |
| 40 |
| Ɀino ŋguʋa yakagara ʋana ʋaIsraeri muEgipita akaŋga ari makore anamazana manna namakumi matatu. |
| 41 |
| Pakupera kwamakore anamazana manna namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehova dzakaɓuɗa munyika yeEgipita. |
| 42 |
| Ʋusiku ubgo ʋunofanira kuraŋgarirwa Jehova, nokuti wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita nabgo. Ndibgo ʋusiku bgaJehova, ʋunofanira kuraŋgarirwa kwaɀo naʋana ʋaIsraeri ʋose namarudzi aʋo ose. |
| 43 |
| Jehova akati ʋo kunaMosesi naAroni: Murairo wepaseka ndiwo: Mutorwa ŋgaarege kuidya. |
| 44 |
| Asi muranda womunhu mumŋe nomumŋe wakateŋgwa nemari, uŋgaidya kana mamudziŋgisa. |
| 45 |
| Mutorwa kana muranda unoripirwa ŋgaarege kuidya. |
| 46 |
| Inofanira kudyirwa mumba mumŋe; haufaniri kutora imŋe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; ʋuye musavuna fupa raro. |
| 47 |
| Ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri inofanira kuiita. |
| 48 |
| Kana mutorwa ugere newe aciɗa kuitira Jehova paseka, ʋanhurume ʋose ʋari kwaari ŋgaʋadziŋgiswe, ipapo ŋgaasweɗere hake kuiita; ɀino wafanana nomunhu wakaɓerekerwa panyika; asi usina‐kudziŋgiswa ŋgaarege kuidya. |
| 49 |
| Murairo ŋgauʋe mumŋe kunowakaɓerekerwa mumusha nokumutorwa ugere pakati penyu. |
| 50 |
| Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi naAroni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita. |
| 51 |
| Nezuʋa iro Jehova akaɓuɗisa ʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita nehondo dzaʋo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/exodus/012.mp3
40
12