|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, |
|
| 2 |
|
| “Nditsaurirei madangwe ose; zvose zvinotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri, kana kuvanhu kana kuzvipfuwo, ndezvangu.” |
|
| 3 |
|
| Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro paIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi. |
|
| 4 |
|
| Nhasi munobuda nomwedzi weAbhibhi. |
|
| 5 |
|
| Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno. |
|
| 6 |
|
| Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe Jehovha ngaaitirwe mutambo. |
|
| 7 |
|
| Chingwa chisina kuviriswa ngachidyiwe mazuva manomwe; chingwa chakaviriswa ngachirege kuonekwa kwauri, kunyange mbiriso ngairege kuonekwa kwauri panyika yako yose. |
|
| 8 |
|
| Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, ‘Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.’ |
|
| 9 |
|
| Chinofanira kuva chiratidzo kwauri paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pameso ako, kuti murayiro waJehovha uve mumuromo mako; nokuti Jehovha akakubudisa paIjipiti noruoko rune simba. |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro uyu nenguva yawo gore rimwe nerimwe. |
|
| 11 |
|
| “Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, sezvaakakupikira iwe namadzibaba ako, akakupa iyoyo, |
|
| 12 |
|
| unofanira kusanangurira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, nezvokutanga zvose pazvipfuwo zvaunazvo, zvirume ndezvaJehovha. |
|
| 13 |
|
| Mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikinura negwayana, kana usingadi kuudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo; madangwe ose avanhu pakati pavanakomana vako unofanira kuadzikinura. |
|
| 14 |
|
| Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, ‘Chinyiko ichi?’ Uti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa noruoko rune simba paIjipiti paimba youranda; |
|
| 15 |
|
| nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya madangwe ose enyika yeIjipiti, madangwe ose avanhu navana vemhongora dzezvipfuwo;’ naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi madangwe ose avanakomana vangu ndinoadzikinura. |
|
| 16 |
|
| Ichi chichava chiratidzo paruoko rwako, norundanyara pameso pako; nokuti Jehovha akatibudisa paIjipiti noruoko rune simba.” |
|
| 17 |
|
| Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyange yaiva pedyo, nokuti Mwari akati, “Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti;” |
|
| 18 |
|
| asi Mwari akapotesa vanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGungwa Dzvuku; vana vaIsiraeri vakabuda panyika yeIjipiti vakashonga nhumbi dzokurwa. |
|
| 19 |
|
| Mosesi akatora mapfupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti akanga apikisa vana vaIsiraeri, achiti, “Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai, muchabva pano, mugoendawo namapfupa angu.” |
|
| 20 |
|
| Zvino vakatanga rwendo rwavo vakabva Sukoti, vakandovaka misasa yavo paEtamu, pamucheto werenje. |
|
| 21 |
|
| Jehovha akavatungamirira masikati neshongwe yegore rokuvaperekedza panzira, usiku neshongwe yomoto yokuvavhenekera, kuti vafambe masikati nousiku. |
|
| 22 |
|
| Shongwe yegore yakanga isingabvi pamberi pavanhu masikati, kana shongwe yomoto usiku. |
|
|
|
|