Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, |
| 2 |
| “Udza vana vaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo. |
| 3 |
| Zvino Farao achati pamusoro pavana vaIsiraeri, ‘Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.’ |
| 4 |
| Ndichaomesa mwoyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.” Vakaita saizvozvo. |
| 5 |
| Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; mwoyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, “Taita seiko zvatatendera vaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?” |
| 6 |
| Zvino akagadzira ngoro yake, akaenda navanhu vake; |
| 7 |
| akatora ngoro dzakatsaurwa dzina mazana matanhatu, nengoro dzose dzeIjipiti, dzina vatariri vadzo dzose. |
| 8 |
| Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, mambo weIjipiti, akateverera vana vaIsiraeri, nokuti vana vaIsiraeri vakanga vabuda noruoko rune simba. |
| 9 |
| VaIjipiti vakavateverera namabhiza ose nengoro dzaFarao, navatasvi vake vamabhiza, nehondo yake, vakavabata vachiri pamisasa pagungwa, paPihahiroti pamberi peBhaarizefoni. |
| 10 |
| Zvino Farao akati asvika pedyo, vana vaIsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha. |
| 11 |
| Vakati kuna Mosesi, “Makanga muchiti hamuna mahwiro paIjipiti, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa paIjipiti? |
| 12 |
| Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paIjipiti here, tichiti, ‘Tiregei, tibatire hedu vaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire vaIjipiti, pakuti tifire murenje.’ ” |
| 13 |
| Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi. |
| 14 |
| Jehovha achakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.” |
| 15 |
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Unodanidzireiko kwandiri? Udza vana vaIsiraeri kuti vapfuurire mberi. |
| 16 |
| Iwe simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pegungwa, uritsemure napakati, kuti vana vaIsiraeri vafambe pakaoma mukati megungwa. |
| 17 |
| Tarira, ndichaomesa mwoyo yavaIjipiti, kuti vapindewo vachivateverera, ini ndizokudzwa pamusoro paFarao napamusoro pehondo yake yose, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza. |
| 18 |
| Ipapo vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakudzwa pamusoro paFarao, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.” |
| 19 |
| Zvino mutumwa waMwari, akanga akatungamirira hondo yavaIsiraeri, akabvapo, akaenda shure kwavo; shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo. |
| 20 |
| Ikapinda pakati pemisasa yavaIjipiti nemisasa yavaIsiraeri; gore nerima, zvikavapo asi rakavhenekera usiku; havana kuswederana usiku hwose. |
| 21 |
| Zvino Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka. |
| 22 |
| Zvino vana vaIsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo. |
| 23 |
| VaIjipiti vakavateverera, vakapinda shure kwavo mukati megungwa namabhiza aFarao ose, nengoro dzake navatasvi vake vamabhiza. |
| 24 |
| Mangwanani Jehovha akatarira hondo yavaIjipiti, ari mushongwe yomoto neyegore, akavhundusa hondo yavaIjipiti. |
| 25 |
| Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; vaIjipiti vakazoti, “Ngatitize pamberi pavaIsiraeri, nokuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa navaIjipiti.” |
| 26 |
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pavaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.” |
| 27 |
| Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa rikadzokera kwakare kwoedza; vaIjipiti vakatizira mukati maro; Jehovha akaparadza vaIjipiti mukati megungwa; |
| 28 |
| mvura ikadzoka, ikafukidza ngoro, navatasvi vamabhiza, nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichavateverera; hakuna kusara kunyange nomumwe wavo. |
| 29 |
| Asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa; mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo. |
| 30 |
| Jehovha akarwira vaIsiraeri saizvozvo nomusi iwoyo pamaoko avaIjipiti; vaIsiraeri vakaona vaIjipiti vakanga vafa pamhenderekedzo dzegungwa. |
| 31 |
| Ipapo vana vaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa vaIjipiti naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMosesi muranda wake. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/exodus/014.mp3
40
14